Yeukai Vaya Vari Munzvimbo Dzinochengetwa Vakwegura
1. Nei tichifanira kuudzawo vaya vanogara munzvimbo dzinochengetwa vakwegura mashoko akanaka?
1 Vanhu vakawanda vari kutarisana nematambudziko ekukwegura. (Mup. 12:1-7) Vakawanda vakwegura vanogara munzvimbo dzinochengetwa vakwegura, saka kakawanda hatikwanisi kuvaona patinoparidza paimba neimba. Ndizvo zviri kuitikawo kunyange munyika dzine tsika dzokuti vabereki vakwegura vanotama vogara nevana vavo kana kuti nedzimwe hama. Kunyange kana vasisakwanisi kufamba kana kuyeuka zvakawanda, vakwegura nevamwe vanogara munzvimbo dzinochengetwa vakwegura vangakwanisa kudzidza uye kunzwisisa nezvaJehovha, vosvika pakumuda. Tingaita sei kuti tivaudzewo mashoko akanaka e“tariro inofadza”?—Tito 2:13.
2. Tingaziva sei nzvimbo dzinochengeterwa vakwegura?
2 Pekutangira: Kakawanda munogona kuziva nzvimbo dzinochengeterwa vakwegura kana mukatarisa mumabhuku anoratidza kero nenhamba dzefoni dzemunzvimbo yenyu. Munogona kutarisa pakanzi, “nursing homes,” “group homes,” kana kuti “residential-care facilities.” Mutariri webasa anogona kuronga vaparidzi vanokwanisa kuti vashanyire nzvimbo dzacho. Kakawanda kunyatsoronga uye kuvimba naJehovha, kunoita kuti patangwe chidzidzo cheBhaibheri chinoitiswa vanhu vari boka.—Zvir. 21:5; 1 Joh. 5:14, 15.
3, 4. (a) Ndiani watinofanira kutaura naye nezvekudzidza seboka? (b) Tingatsanangura sei nezvechidzidzo chacho?
3 Zvinoitwa panzvimbo yacho ndizvo zvinoita kuti muone masumiro amungaita chidzidzo chacho. Panzvimbo dzine vashandi nevanogarapo vakawanda, zvakanaka kutaura nevanogamuchira vaeni, mokumbira kutaura nemukuru wepo. Panzvimbo dzine vanhu vashoma, dzine vashandi vaviri kana vatatu, zvinganakisisa kutaura nemuridzi wepo.
4 Pasinei nezvakaita nzvimbo yacho, tsanangurai kuti makazvipira kushandisa nguva yenyu muchikurudzira vanhu vanofarira kuverenga uye kukurukura nyaya dzemuBhaibheri. Bvunzai kana paine vanoda kukurukura nezveBhaibheri seboka kwemaminitsi 30 pavhiki. Munogona kushandisa mabhuku akasiyana-siyana, asi vamwe vakaona kuti anonyanyofarirwa iBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, uye Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Ungada kuratidza mukuru wepo mabhuku acho. Unogona kuronga naye musi, nguva, uye imba yokuitira, mashoko acho oiswa pakarenda yezvinhu zvichaitwa panzvimbo yacho. Usatya kutaura kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Itawo kuti mukuru wepo azive kuti hausi kuuya kuzonamatisa vanhu, asi kuzokurudzira vanhu kudzidza Bhaibheri.
5. Mazano api angabatsira kuti chidzidzo chacho chinakidze uye chibatsire?
5 Kuitisa Chidzidzo: Maitisiro ako chidzidzo chacho anoenderana nemamiriro ezvinhu epo nezvimwewo, saka ratidza kunzwisisa. Muitisi anofanira kuuya nemakopi akawanda ebhuku rinenge richidzidzwa uye kuatora kana vapedza. Zvimwe mungapawo vamwe mabhuku emabhii makuru. Ndima dzinogona kuverengwa, mibvunzo inogona kubvunzwa, uye mhinduro dzinogona kupiwa sezvatangogara tichiita. Vaya vanoda uye vanokwanisa vanogona kukumbirwa kuverenga ndima dzemubhuku kana kuti dzemuBhaibheri. Pamunenge muchidzidza, vakurudzire, iva neushamwari, uye ita kuti vanakidzwe nechidzidzo chacho. Kana ukabvumirwa nemukuru wepo, unogona kuvaratidza vhidhiyo yesangano, inovaka kutenda mushoko raMwari kana kuti inobudisa zvidzidzo zviri mune imwe nyaya yemuBhaibheri. Zvinogonawo kuita kutanga uye kupedzisa chidzidzo chacho nemunyengetero mupfupi. Vamwe vaparidzi vakatorongawo kuimba nziyo dzeUmambo.
6. Ungaitei kana mumwe akaramba imwe pfungwa?
6 Zvakadini kana mumwe akaramba imwe pfungwa yaverengwa kana kuti yataurwa pachidzidzo? Iva anonzwisisa pakupindura. (VaK. 4:6) Zvimwe mungaverenga ndima pfupi yemuBhaibheri inonyatsomubatsira kunzwisisa. Kana zvisingaiti, ratidza kuti wanzwisisa zviri kumunetsa, womuudza kuti muchazokurukura nyaya yacho muri moga, kana mapedza kudzidza.
7. Ungaitei kana mumwe akabvunza mubvunzo kana kuratidza kuti anoda kudzidza?
7 Zvingaitika kuti mumwe anobvunza mubvunzo kana kuratidza kuti anoda kudzidza zvakawanda. Imwe hanzvadzi inowanzopindura kuti: “Mubvunzo iwoyo wakanaka chaizvo. Sezvo uri mubvunzo wenyu moga, ngatitangei tapedza kuverenga. Ini nemi tozoukurukura tiri toga.” Kakawanda, unogona kutoronga kuitisa chidzidzo cheBhaibheri munhu anenge afarira ari oga, pane imwe nguva.
8. Zvidzidzo zveBhaibheri zvinoitiswa boka uye munhu mumwe chete zvinoverengwa sei?
8 Zvinowanzobatsira kana chapupu chimwe chete chikagara chichiitisa chidzidzo chinoitiswa boka repanzvimbo yacho. Vamwe vaparidzi vanoenda naye vangashuma nguva yacho. Kana chidzidzo chacho chava kuitiswa nguva dzose, muparidzi wacho anganyora shanyo yekudzoka imwe chete pose paanochiitisa uye angashuma chidzidzo cheBhaibheri chimwe chete pakupera kwemwedzi. Kana ukatanga chidzidzo cheBhaibheri nemunhu mumwe chete anokwanisa kudzidza uye kunzwisisa, unongochiverenga sezvatinoita nguva dzose.
9, 10. Vanhu vanoita basa iri vanofanira kuva neunhu hupi? Tsanangura.
9 Ita Kuti Murambe Muchipfuurira: Zvakanaka kuva nezuva uye nguva yechidzidzo chinoitiswa boka racho. Vashandi nevagari vepo vachatarisira kuti chidzidzo chacho chiitiswe nguva dzose, chichitanga uye chichipera nenguva. (Mat. 5:37) Saka zvinotoda kuzvipira, kushingaira uye kurongeka. Zvakaitika zvinoratidza kuti zvakanakisisa kuti vaparidzi vaviri vanokwanisa vashande pamwe chete pakuitisa chidzidzo chinoitiswa boka. (Mup. 4:9, 10) Munzvimbo dzakakura mungadiwa vaparidzi vanopfuura vaviri.
10 Zvinokoshawo kuva neushamwari uye kufarira munhu mumwe nemumwe. (VaF. 2:4) Pakushanya kwekutanga, wana nguva yokumbozivana nemunhu mumwe nemumwe anenge ari pachidzidzo chacho. Nyora uye edza kuyeuka mazita avo usati wadzoka kuchidzidzo chinotevera. Munyika ino, vanhu vakawanda vakakwegura vanogumbuka kana munhu wavasingazivi akavadana nezita rokutanga. Munhu wese anenge aripo achanzwa achikosheswa uye achigamuchirwa kana tikava nemwoyo murefu uye tsitsi.
11. Vanoitisa chidzidzo vangaratidza sei kuremekedza vashandi vepo uye hama dzevanochengetwa ipapo?
11 Zvinokoshawo kuremekedza uye kuva nemutsa kuvashandi vepo uye hama dzevanochengetwa ipapo. Kana mangotanga kuitisa chidzidzo, zvakanaka kusachinja nguva uye maitisirwo echidzidzo chacho musati mataura nemukuru wepo. Nguva nenguva, mubvunze kuti ari kuona sei chidzidzo chacho. Kana hama dzevadzidzi dzikasvika muchidzidza, tanga iwe kudzikwazisa. Vatsanangurire chinangwa chechidzidzo chacho cheBhaibheri. Vavimbise kuti unoda hama yavo chaizvo. Vakumbire kuti vagarewo, voteerera zviri kudzidzwa.
12, 13. Taura mienzaniso inoratidza kubatsira kunoita kuparidza munzvimbo dzinochengetwa vakwegura.
12 Zvakaitika: Pane zvinokurudzira zvinobva kuvatariri vematunhu uye kuungano zvakaitika pachishandiswa nzira iyi yokuparidza. Pane imwe nguva, vanhu vanenge 20 vakabvuma kudzidza pakushanya kwekutanga. Izvi zvakaita kuti pave nezvidzidzo zveBhaibheri zvitanhatu zvaiitiswa. Mumwe wavo akazobhabhatidzwa. Chidzidzo chaiitiswa pane imwe nzvimbo yevakwegura chakaita kuti mbuya vane makore 85 vatange kupinda misangano neungano yeko, ndokutaura kuti vaida kubhabhatidzwa. Pakuvandudzwa kwaiitwa zvinhu pane imwe nzvimbo inochengeterwa vakwegura, chidzidzo chaiitiswa boka repo neZvapupu zvaJehovha chakabviswa. Izvi zvakaita kuti vadzidzi vanyunyute kumukuru wepo! Chidzidzo chacho chakazotangazve, uye kubva ipapo chakanga chava kupindwa nevanhu vari pakati pe25 ne30.
13 Rudo rwatinoratidza munzvimbo dzinochengeterwa vakwegura harungobayi mwoyo yevadzidzi chete. Somuenzaniso, zvinowanzoitika kuti vashandi vepo vauyewo uye vatopindurawo pachidzidzo chacho. Zvatinoita tichiratidza kufarira vaya vari munzvimbo dzinochengetwa vakwegura zvinopawo uchapupu hwakanaka kuvanhu vemunharaunda. (1 Pet. 2:12) Pashure pekuudzwa nezvechinangwa chechidzidzo chacho, mumwe anoronga mafambiro ebasa pane imwe nzvimbo inochengetwa vakwegura akati: “Makanonokerei kuuya? Muchatanga rini?” Mumwe mukuru-mukuru akanyora kuti: “Ndaizokurudzira nemwoyo wose kuti nzvimbo dzose dzinochengetwa vakwegura dzive nechidzidzo cheboka chakadai. Zvapupu zvaJehovha zvinopa rubatsiro urwu zvisingabhadharisi senzira yokubatsira vanhu munharaunda.” Imwe nzvimbo inochengetwa vakwegura kuHawaii yakapa Zvapupu zvaJehovha chitupa chebasa rokuzvipira, chakanyorwa kuti vaizvipira vacho “ipfuma inokosha” kuvanhu vepanzvimbo yacho.
14. Nei zvichikosha kuti tide kubatsira vari munzvimbo dzinochengetwa vakwegura?
14 Vakwegura vanokokwa naJehovha kuti vamurumbidze. (Pis. 148:12, 13) Vaya vari munzvimbo dzinochengetwa vakwegura vanokokwawo. Mundima yenyu mune nzvimbo dzinochengetwa vakwegura here zvokuti vangabatsirwa nekunzwa mashoko akanaka? Tichibatsirwa nevakuru uye nevanotarisira nzvimbo dzinochengetwa vakwegura, tinogona kupupurira zvakanaka kune vari munzvimbo dzakadaro. Tinenge tichitevedzera Jehovha patinoyeuka vakwegura.—Pis. 71:9, 18.