RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/08 p. 1
  • Tiri Kuputsa Zvinhu Zvakadzika Midzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tiri Kuputsa Zvinhu Zvakadzika Midzi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Uchitenda Zvaunotenda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Shandisa “Bakatwa Romudzimu” Nounyanzvi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kusvika Mwoyo Nounyanzvi Hwokunyengetedza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Upenyu Pashure Porufu—Vanhu Vanodavirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 7/08 p. 1

Tiri Kuputsa Zvinhu Zvakadzika Midzi

1 Kwemazana emakore, Satani ave achishandisa dzidziso dzenhema uye unyengeri kuti atsause mwoyo nepfungwa zvevanhu vakawanda. Ave achiparadzira dzidziso dzake dzakadai soUtatu, kusafa kwomweya, uye moto wehero. Anoita kuti vanhu vasava nechokwadi chokuti kune Musiki uye vasava nechokwadi chokuti ndiye akanyora Bhaibheri. Urudzi uye rusaruraganda ndezvimwe zvinotadzisa vanhu kuwana chokwadi. (2 VaK. 4:⁠4) Tingaputsa sei dzidziso dzakadai dzakadzika midzi muvanhu?​—⁠2 VaK. 10:​4, 5.

2 Dzinosanganisira Manzwiro: Dzidziso dzakadzidziswa vanhu kuti ndedzechokwadi, dzinowanzosanganisira manzwiro avo omukati-kati. Vamwe vave vachidavira dzidziso dzisina kururama kubvira vachiri vaduku. Kuti tibatsire vakadaro, tinofanira kutaura tichiratidza kuti tinoremekedza maonero avo.​—⁠1 Pet. 3:⁠15.

3 Tinogona kuremekedza vanhu vakadai nokuvabvumira kutsanangura zvavanodavira uye kuti nei vachizvidavira. (Jak. 1:​19) Zvimwe vanodavira dzidziso yokuti mweya haufi nokuti vakashayikirwa nevanhu vavaida uye vanoshuva kuvaonazve. Kana kuti vangapemberera mazororo nokuti anovapa mikana yokuva pamwe chete nemhuri dzavo. Kuteerera zvavanotaura kunotibatsira kunzwisisa manzwiro avo uye kunotibatsira kuziva mapinduriro atingaita anovabatsira.​—⁠Zvir. 16:⁠23.

4 Tevedzerai Jesu: Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka zvikuru paakapindura mubvunzo womurume akanga akanyatsodzidza Mutemo. Haana kupindura achimuudza zvokuita, nokuti murume wacho aigona kuramba sezvo dzidziso idzi dzaive dzakadzika midzi mumwoyo make. Pane kudaro, Jesu akashandisa Magwaro ndokumukumbira kuti ataure maonero ake uye akamubatsira kufunga achishandisa muenzaniso.​—⁠Ruka 10:​25-⁠37.

5 Shoko raMwari rinogona kuita kuti vanhu varege kudavira dzidziso dzenhema. (VaH. 4:​12) Kana tikanyatsotsanangura chokwadi tinogona kubaya mwoyo yevateereri vedu uye tingavabatsira kuti varambe nhema vogamuchira chokwadi chinogona kuvasunungura.​—⁠Joh. 8:⁠32.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe