Kudzidza Bhaibheri Uri Woga Uye Semhuri Kunokosha!
1. Dare Rinodzora rine hanya nesu zvakadini panguva ino, uye nei richidaro?
1 Dare Rinodzora rine hanya chaizvo nevanhu vaJehovha, sezvaiita romuzana remakore rokutanga. (Mab. 15:6, 28) Kutambudzika kukuru zvakwava pedyo, zvinokosha kuti muparidzi woUmambo mumwe nomumwe ave noukama hwakasimba naJehovha. Uchaitei panguva yaimboitwa Chidzidzo Chebhuku Cheungano? Tose tinokurudzirwa kushandisa nguva iyi pakunamata semhuri. Kushandisa nguva iyi nokuchenjera kuchaita kuti tikwanise kuchera zvakadzama muShoko raMwari rakafuridzirwa tobatsirwa nemvura yaro inopa upenyu.—Pis. 1:1-3; VaR. 11:33, 34.
2. Tingaronga sei kunamata kwedu kana kuti kwemhuri dzedu?
2 Manheru Okunamata Semhuri: Misoro yemhuri iri kukurudzirwa kuti iite basa rayo pamberi paJehovha rokuva nechokwadi chokutevedzera purogiramu inobatsira yokudzidza Bhaibheri semhuri nguva dzose. (Dheut. 6:6, 7) Hama nehanzvadzi dzisina kuroora nokuroorwa dzisina zvakawanda zvokuita dzichakwanisa kushandisa nguva iyi kudzidza Bhaibheri vari voga uye kutsvakurudza. Zvinokosha kuti tose ‘tizvitengere nguva yakakodzera’ yokudzidza nokufungisisa kuitira kuti tirambe takasimba pakunamata pasinei ne“mazuva akaipa.”—VaEf. 5:15, 16.
3, 4. Mazano api apiwa nezvezvatingadzidza, uye tinenge tichinyanyofunga nezvei?
3 Zvamungadzidza: Watch Tower Publications Index kana kuti Watchtower Library iri paCD-ROM ingakubatsirai kutsvaka mashoko achaita kuti nguva yokudzidza Bhaibheri inakidze. Mhuri dzingakurukura nyaya dzomuNharireyomurindi, dzakadai sedzagara dzichibuda dzokuti “Mazano Okuti Mhuri Ifare,” “Dzidzisa Vana Vako,” uye “Zvevechiduku.” Mukai! inewo nyaya dzinogara dzichibuda dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” nedzimwe nyaya dzinonakidza dzinotaura nezvezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa.
4 Kuverenga Bhaibheri musingaiti zvokumhanya kungaita kuti munyatsonzwisisa zvinotaurwa naMwari uye zvidzidzo zvacho zvisvike pamwoyo yevose vari mumhuri. (VaH. 4:12) Dzimwe nguva mungaona imwe yemavhidhiyo akabudiswa nesangano mozoikurukura. Pane mikana yakawanda yokusarudza zvamunoda kudzidza uye kuti mozvidzidza sei. Madii kubvunzana mumhuri kuti ndedzipi nyaya dzingakunakidzai?
5. Nei kudzidza Bhaibheri tiri toga uye semhuri kuchikosha zvikuru muupenyu hwedu iye zvino?
5 Nei Zvichikosha Iye Zvino: Kusimbisa ukama hwedu naJehovha kuchaita kuti tigadzirire ‘kumira takasimba kuti tione ruponeso rwaJehovha.’ (Eks. 14:13) Vabereki vanoda kutungamirirwa naMwari pakurera vana “pakati pechizvarwa chisina kururama, chakamonyana.” (VaF. 2:15) Vana vanoda kubatsirwa kuti vabudirire kurwisana netsika dziri kuramba dzichiwedzera kufumuka kuzvikoro mazuva ano. (Zvir. 22:3, 6) Vanhu vakaroorana vanofanira kusimbisa “tambo [yavo] yakakoswa netambo nhatu” naJehovha. (Mup. 4:12) Saka ngatishandisei nokuchenjera nguva yasara kuti tizvivake “pakutenda kwe[du] kutsvenetsvene”!—Jud. 20.