Unogona Kuva Mudzidzisi!
1. Muparidzi woUmambo wose ane ropafadzo ipi inokosha?
1 Kudzidzisa munhu chokwadi ndicho chimwe chezvinhu zvine mubayiro mukuru muushumiri hwedu. Kumuona achiteerera shoko roUmambo uye kumubatsira kuswedera pedyo naChangamire wezvose chinhu chinofanira kukosheswa. (Jak. 4:8) Chinangwa chomuparidzi woUmambo wose chinofanira kunge chiri chokudzidzisa mumwe munhu ane nzara yechokwadi uye kumuona achitanga kuchinja zvikuru unhu hwake, maitiro ake uye tsika dzake.—Mat. 28:19, 20.
2. Nei vamwe vangazeza kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, uye chii chingavabatsira kukurira chinetso ichi?
2 Vimba naJehovha: Kare vashumiri vakatendeka vakanga vasina chokwadi chokuti vaikwanisa kuita basa ravakanga vapiwa. Kuvimba naJehovha Mwari kwakaita kuti Mosesi, Jeremiya, Amosi nevamwe vanhuwo zvavo vakurire kusava nechokwadi kana kutya uye vaite basa rinokosha. (Eks. 4:10-12; Jer. 1:6, 7; Amo. 7:14, 15) Muapostora Pauro ‘akavawo noushingi.’ Sei? Akataura kuti akahupiwa “naMwari wedu.” (1 VaT. 2:2) Chokwadi, tose tinogona kuvimba naJehovha kuti atibatsire, atipe uchenjeri nesimba zvatinoda kuti tiitise zvidzidzo zveBhaibheri zvinobudirira.—Isa. 41:10; 1 VaK. 1:26, 27; 1 Pet. 4:11.
3, 4. Kudzidziswa kupi kunotibatsira pakudzidzisa Shoko raMwari?
3 Bvuma Kudzidziswa: Murayiridzi wedu Mukuru Jehovha Mwari, anotidzidzisa achishandisa purogiramu yenguva dzose yokudzidza Bhaibheri kuitira kuti tive vadzidzisi vanonyatsokwanisa. (Isa. 54:13; 2 Tim. 3:16, 17) Bvuma kudzidziswa uku nokushandisa mikana yose kuti uwedzere kunzwisisa kwaunoita Magwaro uye uvandudze kudzidzisa kwaunoita chokwadi cheBhaibheri. Kunyange zvazvo ichi chiri chinangwa chikuru cheChikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa, misangano yose yeungano inotibatsira kuti tidzidzise kubva muShoko raMwari.
4 Edza kwazvo kudzidza nzira dziri nyore dzokudzidzisa kunyange chokwadi cheBhaibheri chakadzama. Bhuku reChikoro Choushumiri, papeji 227 rinotsanangura kuti: “Unofanira kunzwisisa zvakajeka hurukuro yako kana uchizoita kuti inzwisiswe nevamwe.” Kupindura pamisangano kunotibatsira kuti tiise pfungwa huru mumusoro kuti tizodzishandisa pane imwe nguva. Saka nyatsogadzirira uye chivimbo chako pakugona kudzidzisa chichawedzera.
5. Ndekupi kumwe kudzidziswa kwatinowana muungano kunotibatsira kuti tifambire mberi sevadzidzisi?
5 Hapana mubvunzo kuti kubva pakutanga vashumiri vechiKristu vaidzidza kubva kune mumwe nomumwe pavaishanda pamwe mubasa rokuita vadzidzi. (Ruka 10:1) Kana zvichiita, enda mubasa rokudzidzisa Bhaibheri nevaparidzi vagara nebasa, kusanganisira mapiyona, vakuru uye vatariri vanofambira. Ona kuti vanotsanangura sei chokwadi cheMagwaro vachishandisa mienzaniso iri nyore uye zvimwe zvinobatsira pakudzidzisa Bhaibheri zvinowanika mumabhuku edu ekudzidza. Vakumbire mazano okuti ungava sei mudzidzisi ari nani. (Zvir. 1:5; 27:17) Koshesa kudzidziswa kwose kwakadaro sezvo kuchibva kuna Mwari.—2 VaK. 3:5.
6. Chii chinokosha chinodiwa kuti munhu ave mudzidzisi weShoko raMwari?
6 Vimba naJehovha uye batsirwa nokudzidzisa kwaanoita. Nyengeterera kuti ufambire mberi. (Pis. 25:4, 5) Iwewo unogona kuwana mufaro wokubatsira mumwe munhu kuti ave mudzidzisi weShoko raMwari, kufanana newe!