RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/09 p. 2
  • Dzidzisa Vaya Vasinganyatsokwanisi Kuverenga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Vaya Vasinganyatsokwanisi Kuverenga
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kubatsira Vaya Vasinganyatsogoni Kuverenga
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 1: Chii Chiri Nani: Kuverenga Kana Kuona Mavhidhiyo?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 4/09 p. 2

Dzidzisa Vaya Vasinganyatsokwanisi Kuverenga

1. Idambudziko ripi ratingasangana naro muushumiri?

1 Patinenge tiri muushumiri, tinombosangana nedambudziko rokudzidzisa Bhaibheri vanhu vanonetseka nokuverenga. Tingaitei?

2. Nei tichiremekedza vaya vasinganyatsokwanisi kuverenga uye tingazviita sei?

2 Varemekedze: Jehovha anotarisa zvakaita mwoyo wemunhu, kwete dzidzo yake. (1 Sam. 16:7; Zvir. 21:2) Saka hatitarisiri pasi vaya vasinganyatsokwanisi kuverenga. Vakadaro vangangogamuchira rubatsiro rwedu kana tikavaremekedza nokuvashivirira. (1 Pet. 3:15) Izvozvo zvingasanganisira kuti hatizoomereri pakuti munhu averenge zvatiri kudzidza naye kana kuti ndima. Munhu paanofambira mberi pakudzidza chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri, anganzwa achida chaizvo kuvandudza mano ake okuverenga achiitira kuti anakidzwe nokuverenga Shoko raMwari “nenzwi riri pasi masikati nousiku.”—Pis. 1:2, 3.

3. Inzira dzipi dzingashandiswa pakudzidza nevaya vasinganyatsokwanisi kuverenga?

3 Nzira Dzakasiyana-siyana Dzokudzidzisa Bhaibheri: Kushandisa mifananidzo inzira yakanyanya kunaka yokudzidzisa uye inoita kuti munhu ayeuke zvinenge zvadzidzwa. Ungabvunza wauri kudzidza naye zvaari kuona pamufananidzo uri mubhuku ramuri kudzidza. Zvadaro shandisa mibvunzo kuti umubatsire kunzwisisa zviri kudzidziswa nemufananidzo. Shandisa magwaro anodzidzisa zvimwe zviri pamufananidzo iwoyo. Mifananidzo ingashandiswawo kudzokorora zvamadzidza. Musadzidze zvakawandisa panguva imwe chete. Simbisa pfungwa huru dzechidzidzo chacho, uye dzivisa kutaura zvisinei nechokuita nezvamuri kudzidza. Verenga magwaro muBhaibheri chaimo, uye bvunza mudzidzi wacho kuti uve nechokwadi chokuti anzwisisa zvaverengwa. Izvi zvingawedzera chido chake chokuvandudza maverengero aanoita kuti atsvake chimwe chokwadi chiri muBhaibheri ari oga.

4. Tingabatsira sei mudzidzi wedu kuti avandudze maverengero ake?

4 Zvinobatsira Munhu Kuti Avandudze Kuverenga: Vanhu vasinganyatsokwanisi kuverenga kana vasina kunyatsowana mukana wokudzidza kuverenga zvakanaka vanganzwisisa uye vangaramba vachiyeuka mashoko zvakanaka chaizvo. Ungakurudzira vakadaro kunyatsoteerera vanhu vanogona kuverenga zvakanaka pavanenge vachiverenga ivo vakatarisawo mumabhuku avo, kunyange kudzokorora mashoko acho nenzwi riri pasi. Izvi zvingabatsira munhu akadaro kuti avandudze unyanzvi hwokuverenga. Angabatsirwawo nebhurocha raShingairira Kuverenga Nokunyora. Mune dzimwe nzvimbo, vakuru vangarongawo makirasi okudzidzira kuverenga muungano. Mazano aya angatibatsira pakubatsira vaya vasinganyatsokwanisi kuverenga kuti vanzwisise “zvinyorwa zvitsvene,” izvo zvichaita kuti vave nouchenjeri huchavaponesa.—2 Tim. 3:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe