RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/14 pp. 5-6
  • Kubatsira Vaya Vasinganyatsogoni Kuverenga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatsira Vaya Vasinganyatsogoni Kuverenga
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzisa Vaya Vasinganyatsokwanisi Kuverenga
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Batsira Vamwe Kuti Vateerere Zvinodzidzisa Bhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 6/14 pp. 5-6

Kubatsira Vaya Vasinganyatsogoni Kuverenga

1. Idambudziko ripi rinovapo pakudzidzisa Bhaibheri vaya vasinganyatsogoni kuverenga?

1 Vanasaimba vasinganyatsogoni kuverenga vangafarira zvokunamata, asi vangatya kuverenga Bhaibheri nemamwe mabhuku. Kuedza kupa vanhu vakadaro bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? pakushanya kwekutanga kungasabudirira. Tingavabatsira sei pakunamata? Takabvunza vaparidzi vemunyika 20 vagara nebasa kuti vanoita sei. Vakataura zvinotevera.

2. Zvii zvatingashandisa kubatsira munhu asinganyatsogoni kuverenga?

2 Kana mudzidzi asinganyatsogoni kuverenga kana kuti asingagoni, unogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari, kana kuti Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi. Mumwe piyona wekuUnited States anoratidza munhu mabhurocha acho ose, omubvunza riri nyore kwaari. Hofisi yebazi yekuKenya yakati mabhurocha aya ari kubatsira zvakanyanya ikoko nokuti vanhu vemuAfrica, vakajaira kudzidza vachiita zvokutaurirwa nyaya pane kuita zvokubvunzwa mibvunzo vachipindura. Munhu akadzidza angangobvuma kuverenga nekubvunzwa mibvunzo, asi izvozvo zvingaita kuti munhu asina kunyatsodzidza asanzwa zvakanaka. Kana mudzidzi achiti gonei kuverenga, vaparidzi vakawanda vanoda kutanga nebhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! kana kuti raUnogona Kuva Shamwari yaMwari kana kuti zvimwe Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.

3. Mazano api euchenjeri angaita kuti tibudirire pakudzidzisa vasingagoni kuverenga?

3 Varumbidze: Vaya vasina kumbodzidza kuverenga vanganzwa vachinyara uye vangazvitarisira pasi. Kakawanda kuita kuti vanzwe vakasununguka ndiro danho rekutanga pakuvadzidzisa chokwadi. Vanhu vakawanda vasingagoni kuverenga vakangwara uye vanokwanisa kudzidza. Varemekedze uye vaone sevanhu. (1 Pet. 3:15) Vangava nechido chekuramba vachidzidza kana vakaona kuti zvavari kuita zviri kukosheswa uye kuti vari kufambira mberi pakuziva Mwari. Saka gara uchivarumbidza.

Vaya vasina kumbodzidza kuverenga vanganzwa vachinyara uye vangazvitarisira pasi. Kakawanda kuita kuti vanzwe vakasununguka ndiro danho rekutanga pakuvadzidzisa chokwadi

4. Tingakurudzira sei vasinganyatsogoni kuverenga kuti vagadzirire chidzidzo?

4 Kunyange kana mudzidzi asinganyatsogoni kuverenga, mukurudzire kugadzirira chidzidzo. Vamwe vaparidzi vekuSouth Africa vanokurudzira vavanodzidza navo kukumbira wemumhuri dzavo kana kuti shamwari inogona kuverenga kuti ivabatsire. Mumwe muparidzi wekuBritain anokurudzira vaanodzidza navo kugadzirira nokuvapa bhuku rake rakamakwa, vomborishandisa pandima shomanana pavanodzidza, kuti vaone kuti zviri nyore zvakadini kuwana mhinduro kana dzakamakwa. Imwe hama yekuIndia inokurudzira vainodzidza navo kutarisa mifananidzo iri muchidzidzo chinotevera uye kufungisisa nezvayo pachine nguva.

5. Tingaratidza sei mwoyo murefu pakuitisa chidzidzo?

5 Iva Nemwoyo Murefu: Pasinei nechinyorwa chaunoshandisa, simbisa pfungwa huru uye batsira mudzidzi kunyatsodzinzwisisa. Pakutanga zvinganaka kukurukura kwemaminitsi 10 kusvika ku15. Pane kudzidza ndima dzakawanda, zvimwe mungangofanira kudzidza shomanana pachidzidzo chega chega. Iva nemwoyo murefu kana mudzidzi achinonoka pakuverenga. Anogona kuzova nechido chekudzidzira kuverenga zvakanaka sezvaanenge achiwedzera kuda Jehovha. Kuti ubatsire vadzidzi kuva nechido chakadaro, zvakanaka kuvakurudzira kupinda misangano kubvira pakutanga.

6. Tingabatsira sei vanhu kudzidza kuverenga?

6 Kana vadzidzi vakadzidza kuverenga, vachakurumidza kukura pakunamata. (Pis. 1:1-3) Vakawanda vakabatsira vavanodzidza navo vachishandisa bhuku raShingairira Kuverenga Nokunyora mumaminitsi mashoma pakupera kwechidzidzo chimwe nechimwe. Kana mudzidzi akaora mwoyo, zvimwe ungamuita kuti ave nechivimbo kuburikidza nokumuyeuchidza zvimwe zvaakatokwanisa kudzidza kuti zvinoitwa sei. Muvimbise kuti Jehovha achakomborera zvaari kuedza kuita, uye mukurudzire kunyengetera kuti abatsirwe. (Zvir. 16:3; 1 Joh. 5:14, 15) Vamwe vaparidzi vekuBritain vanokurudzira vadzidzi kuva nezvinangwa zvinokwanisika uye zvinoita kuti vafambire mberi, zvakadai sokutanga nekudzidza arufabheti, kutsvaka uye kuverenga magwaro akasarudzwa, vozoguma nokuverenga mabhuku ari nyore anotsanangura Bhaibheri. Kubatsira vanhu kudzidza kuverenga kunosanganisira kuvakurudzira kuti vade kuverenga, kwete kungovadzidzisa chete.

7. Nei tisingafaniri kurega kudzidzisa chokwadi kune vaya vasinganyatsogoni kuverenga?

7 Jehovha haazvidzi vaya vasina kunyanya kudzidza. (Job. 34:19) Anoongorora zvakaita mwoyo wemunhu. (1 Mak. 28:9) Saka usarega kudzidzisa chokwadi kune vaya vasinganyatsogoni kuverenga. Une maturusi akawanda aunogona kutanga nawo. Unogona kuzopedzisira wava kudzidza naye bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, woita kuti anzwisise Magwaro zviri nani.

Kana saimba asingagoni kuverenga, edza izvi:

  • Tanga nokushandisa Teerera Mwari, Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi kana chimwewo chinyorwa chakakodzera.

  • Muremekedze uye gara uchimurumbidza.

  • Garai muchikurukura zvinhu zvishoma, uye musaedza kudzidza zvakawandisa.

  • Mubatsire kuti avandudze maverengero ake.

Kana ava kukoshesa chokwadi uye ava kuda kudzidza zvakawanda, unogona kutanga kudzidza naye uchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe