RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/09 p. 1
  • Dzidzisa Zviri Nyore Kunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Zviri Nyore Kunzwisisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Mazano Matatu Okuti Uvandudze Madzidzisiro Ako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Tevedzera Mudzidzisi Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Zvinonzwisiswa Nevamwe
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Dzidzisa Nokunzwisisa Nokunyengetedza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 5/09 p. 1

Dzidzisa Zviri Nyore Kunzwisisa

1. Ndechipi chimwe chinhu chinokosha pakudzidzisa zvakajeka, zvinobudirira?

1 Kutaura zviri nyore kunzwisisa, chinhu chinokosha chaizvo pakudzidzisa zvinobudirira. Kufunga nezvemadzidzisiro oMudzidzisi Mukuru, Jesu, kungatibatsira kunatsiridza “unyanzvi hwokudzidzisa” kwedu.​​—⁠2 Tim. 4:⁠2; Joh. 13:⁠13.

2. Chii chinodiwa pakudzidzisa zviri nyore kunzwisisa, uye kudzidzisa kwakadaro kunoguma nei?

2 Taura Zviri Nyore Kunzwisisa: Mharidzo yepaGomo ine chimwe chokwadi chakadzama zvikuru chisina kumbotaurwa nevamwe vanhu chero pane imwe nguva ipi zvayo, chose zvacho chakataurwa zviri nyore kunzwisisa. (Mat., zvits. 5-⁠7) Mapoka evanhu vakanga vakateerera Jesu “akashamiswa nemadzidzisiro ake.” Vakuru vakuru vakatumwa kunomusunga vakasvika pakuti: “Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.” (Mat. 7:​28, 29; Joh. 7:​46.) Kuti tiite kuti vamwe vanyatsobvuma chokwadi, hatifaniri hedu kushandisa mashoko okushamisira, akaoma kunzwisisa, kana kuti mienzaniso ine zvakawandawanda. Chokwadi chingatsanangurwa zvakajeka pachishandiswa mashoko akajairika.

3. Nei vamwe vangatutira vateereri vavo mashoko, uye izvi zvingadziviswa sei?

3 Ona Kuti Mungadzidza Zvakawanda Sei: Jesu aifunga nezvevateereri vake pakusarudza kuti mashoko akawanda sei aaifanira kuvaudza panguva imwe chete. (Joh. 16:​12) Panyaya iyi, tinofanira kuona zvinodiwa nomunhu wacho tochinja zvinhu kuti zvienderane naye, kunyanya patinenge tichiparidzira hama, vanhu vachangotanga kufarira, kana kuti vana. Tinofanira kungwarira kuti tisavatutira mashoko kunyange zvazvo vangaita sokuti vakanyatsoteerera. Vaya vane mwoyo yakatendeseka vacharamba vachidzidza nezvaMwari wechokwadi, Jehovha.​​—⁠Joh. 17:⁠3; 1 VaK. 3:⁠6.

4. Nei zvichibatsira kuomerera papfungwa huru pane kutaura zvakawandawanda?

4 Omerera Papfungwa Huru: Jesu haana kuomesa zvaaidzidzisa nokutaura zvakawandawanda. Paakati: ‘Vose vari mumakuva vachabuda,’ iyoyo yaisava nguva yokudonongodza zvaizoitika kumapoka maviri evaizomutswa. (Joh. 5:​28, 29) Patinenge tichidzidzisa vanhu Bhaibheri, tinofanira kuomerera papfungwa huru todzivisa katsika kekutaura zvimwe zvisinei nezvatiri kukurukura.

5. Chikomborero chipi chatingawana kana tikadzidzisa zviri nyore kunzwisisa?

5 Tinoonga chaizvo kuti Jehovha akatidzidzisa zviri nyore kunzwisisa zvose zvatinofanira kuziva! (Mat. 11:​25) Ngativavarirei kudzidzisa zviri nyore kunzwisisa tonakidzwa noushumiri hunobudirira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe