Mazano Matatu Okuti Uvandudze Madzidzisiro Ako
1. Sei tichifanira kuedza kuvandudza madzidzisiro edu?
1 Vashumiri vose vechiKristu vadzidzisi. Tingava tiri kuonana nevanhu kekutanga, tichidzokera kunoona vanofarira kana kuti tichidzidzisa munhu Bhaibheri, tinenge tichitovadzidzisa chimwe chinhu. Uye zvatinovadzidzisa zvinokosha. Tinenge tichibatsira vanhu kuti vanzwisise “zvinyorwa zvitsvene,” izvo zvinoita kuti vave ‘vakachenjera kuti vawane ruponeso.’ (2 Tim. 3:15) Kuita basa iri iropafadzo yakakura chaizvo! Ngatikurukurei mazano matatu okuti tivandudze madzidzisiro edu.
2. Tingadzidzisa sei zviri nyore kunzwisisa?
2 Kudzidzisa Zviri Nyore: Kana tichinyatsonzwisisa imwe nyaya, zviri nyore kuti tikanganwe kuti mumwe munhu asingaizivi anogona kuomerwa kuti ainzwisise. Saka paunenge uchidzidzisa munhu Bhaibheri, usadzikatidza zvaunodzidzisa nekuwanza mashoko. Ingotaura pfungwa huru chete. Kutaura mashoko akawanda handiko kugona kudzidzisa. (Zvir. 10:19) Kazhinji zvakanaka kuti tingoverenga magwaro anotsigira pfungwa iri kudiwa. Kana waverenga rugwaro, chitsanangura pfungwa iri kuenderana nenyaya iri kudzidzwa. Mharidzo yepaGomo, iri pana Mateu chitsauko 5 kusvika ku7, ine chokwadi chakadzama, asi Jesu akadzidzisa achitaura mashoko mashoma ari nyore kunzwisisa.
3. Sei kushandisa mifananidzo kuchikosha, uye inonyatsoshanda ndeipi?
3 Kushandisa Mifananidzo: Mifananidzo inoita kuti munhu afunge, aratidze zvaari kufunga, uye inobatsira kuti asakanganwa. Kuti ugone kushandisa mifananidzo, hazvirevi kuti unofanira kunge uri munhu asingapererwi nenyaya. Jesu aigara achishandisa mifananidzo mipfupi iri nyore kunzwisisa. (Mat. 7:3-5; 18:2-4) Kuita zvekudhirowa zvimwe zvinhu kunogonawo kubatsira. Ukagadzirira pachine nguva, unogona kuwana mifananidzo inobatsira pakudzidzisa.
4. Tingashandisa sei mibvunzo zvinobudirira?
4 Kubvunza Mibvunzo: Mibvunzo inoita kuti mudzidzi wako afunge. Saka kana uchinge wabvunza mubvunzo mirira kusvikira mudzidzi wacho apindura. Ukamupindurira, hauzokwanisi kuziva kuti ari kunzwisisa here. Kana akapindura zvisizvo, zvingava zvakanaka kuti umubvunze mimwe mibvunzo kuitira kuti akwanise ega kupindura panzvimbo pokumupindurira. (Mat. 17:24-27) Ichokwadi kuti tine zvimwe zvatinokanganisa pakudzidzisa. Ndokusaka Bhaibheri richitikurudzira kuchenjerera madzidzisiro edu. Kuita izvi kuchaita kuti isu nevaya vanotiteerera tiwane upenyu husingaperi.—1 Tim. 4:16.