Tinofanira Kudzokera Rini Kune Vanenge Vafarira?
1. Chii chinodiwa pakuita kuti vamwe vave vadzidzi?
1 Kuita kuti vamwe vave vadzidzi kunoda kuti tishanyirezve chero munhu anenge aratidza kuda kudzidza nezveurongwa hweUmambo hwaJehovha. (Mat. 28:19, 20) Nguva yakanyanya kunaka yokushanyazve kazhinji inofanira kusarudzwa zvichienderana nemamiriro akaita purogiramu yedu uyewo yeanenge afarira. Nei tichifanira kukurumidza kudzokera pashure pokushanya kekutanga?
2, 3. Nei tichifanira kuedza kukurumidza kudzokera kana zvichiita?
2 Nei Tichifanira Kukurumidza Kudzokera? Basa rokuparidza “aya mashoko akanaka oUmambo” rava kuda kupera, uye kuguma kwemamiriro ezvinhu aripo kwava pedyo. (Mat. 24:14; 1 Pet. 4:7) Saka, kunyange zvazvo “zuva roruponeso” richiripo kune vaya vanofarira, tinofanira kuteerera zano rokuti ‘tikurumidze kuparidza shoko,’ izvo zvinosanganisira kukurumidza kudzokera kana zvichiita, kuti tiite kuti kufarira kwakaratidzwa kuwedzere.—2 VaK. 6:1, 2; 2 Tim. 4:2.
3 Satani anoda chaizvo kubvisa chero mbeu yoUmambo yatingadyara mumwoyo wemunhu anenge afarira. (Mako 4:14, 15) Vemumhuri, vokubasa, uye vamwe, kazhinji vanoseka vaya vanenge vafarira. Kukurumidza kudzokera kunoita kuti tipfuurire kubva patakasiyira vamwe vasati vabudirira kuita kuti asafarira.
4. Patinoshanya kekutanga, tingagadzirira sei kuzoshanyazve?
4 Ranganai Pauchazodzoka: Zvakanyanya kunaka kuti paunoshanya kekutanga murangane chaipo pauchazodzoka. Bvunza mubvunzo waunozopindura paunoshanyazve. Zvinokosha kuti unyore pasi nezvekushanya kwekutanga uye chaipo pauchazodzoka. Kana purogiramu yako ichikubvumira, ungakumbira kudzoka mangwana acho kana kuti nguva pfupi inotevera. Kana ukashanya kekutanga pakupera kwevhiki uye munhu wacho anenge afarira achienda kubasa mukati mevhiki, zvichida achabvuma kuti uzoshanyazve pakupera kwevhiki kunotevera. Pamunorangana musi wauchadzoka, iva nechokwadi chokuti uchaita saizvozvo.—Mat. 5:37.
5. Kusanonoka kwedu kudzokera kungatibatsira sei pakuita basa ratakapiwa naJesu rokuita kuti vamwe vave vadzidzi?
5 Tine zvikonzero zvakanaka zvokukurumidza kudzokera kune vanenge vafarira kana zvichiita. Saka, ranganai musi wauchadzoka, wokurumidza kudaro, nokuti “nguva yasara ipfupi.” (1 VaK. 7:29) Kana tikakurumidza kushanyirazve vaya vakafarira shoko roUmambo, panovawo nemikana yakawanda yokuti zvatinovavarira kuita zvibudirire.