Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kusiya Pokutangira Patinozodzoka
Sei Zvichikosha? Patinosangana nemunhu anofarira, tinoda kuzomuonazve paanenge ari pamba kuti tidiridze mbeu yechokwadi yatinenge tadyara. (1 VaK. 3:6) Izvi zvinoda kuti tisiye pokuzotangira. Tinowanzoita izvi nokubvunza kuti tizive patingazodzoka. Uye zvakanaka kuti tisiyewo mubvunzo wekuti tizokurukura. Izvi zvichaita kuti saimba atarisire kuzonzwa mhinduro yacho, uye kana ichibva muchinyorwa chatamusiyira, zvingatoita kuti ade kuchiverenga. Kusiya pokuzotangira kunoitawo kuti zvive nyore kuzodzoka nekuti tinenge takatosarudza nyaya yatichazokurukura, uye saimba wacho anenge achitoziva kuti tichakurukurei. Patinomuonazve, tinogona kumuudza kuti tauya kuzopindura mubvunzo watakasiya, tobva takurukura naye.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Paunenge uchigadzirira mharidzo yepaimba neimba, gadzirirawo mubvunzo wekuzopindura saimba paunodzoka. Udzawo vaunenge uchishanda navo mubvunzo wacho.