Tiri Zvapupu Nguva Dzose
1. Tingadzidzei panyaya yokupupurira kwakaita Jesu mukadzi aiva patsime?
1 Jesu akanga afamba kwemaawa akawanda. Akanga aneta uye ava nenyota. Vadzidzi vake pavakanga vaenda kunotenga zvokudya, akagara pedyo netsime raiva kunze kweguta reSamariya kuti azorore. Jesu akanga asina kuuya muSamariya kuti aparidze; akanga achingopfuurawo zvake nemo akananga kuGarireya kuti anopfuurira neushumiri hwake ikoko. Kunyange zvakadaro, akatora mukana iwoyo kuti apupurire mukadzi akanga achichera mvura. (Joh. 4:5-14) Nei? Jesu haana kumborega kuva “chapupu chakatendeka nechechokwadi” chaJehovha. (Zvak. 3:14) Tinotevedzera Jesu nokuva Zvapupu zvaJehovha nguva dzose.—1 Pet. 2:21.
2. Tingagadzirira sei kupupura zvisina kurongwa?
2 Gadzirira: Tingagadzirira kupupura zvisina kurongwa nokutakura mabhuku. Vaparidzi vakawanda vanogara vaine maturakiti uye vanoagovera vanotengesa muzvitoro, vanotengesa mafuta emotokari, uye vamwe vavanosangana navo mukati mezuva. (Mup. 11:6) Imwe hanzvadzi inoita nzendo dzakawanda inova nechokwadi chokuti inogara ine Bhaibheri rinokwana muhomwe uye bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? mukabhegi kayo, uye inoedza kutanga kukurukura nevaya vanenge vakagara pedyo nayo.
3. Tingatanga sei kukurukura?
3 Tanga Kukurukura: Patinenge tichipupura zvisina kurongwa, hatifaniri hedu kutanga nokusuma nyaya yomuMagwaro. Jesu haana kutanga kukurukura nomukadzi wacho patsime nokumuudza kuti iye aiva Mesiya. Akangokumbira mukadzi wacho mvura yokunwa, achiita kuti afarire. (Joh. 4:7-9) Imwe hanzvadzi yakaona kuti kuita saizvozvo kunoita kuti itange kukurukura painenge yabvunzwa kana yakanakidzwa nokupemberera zororo. Pane kuti ipindure kuti haina kupemberera zororo racho nokuti iyo Chapupu chaJehovha, inoti, “Ndakasarudza kusapemberera.” Uya anenge achida kuziva anowanzobvunza kuti nei, zvichipa mukana wokuti hanzvadzi iyi ipupure.
4. Nei Mateu 28:18-20 ichikukurudzira?
4 Kunyange zvazvo Jesu akapedza ushumiri hwake hwokushingaira hwepasi pano, anoramba achifarira chaizvo basa rokuparidza riri kuitwa sezvaakaita. (Mat. 28:18-20) Saka, saJesu Muenzaniso wedu, tiri Zvapupu zvakagadzirira kuzivisa pachena kutenda kwedu chero nguva.—VaH. 10:23.