Zvandiri Kuita Zvakakwana Here?
1. MuKristu akatendeka angazvidya mwoyo nezvei?
1 Wakambozvibvunza mubvunzo uyu here? Zvichida kukwegura, utano, kana kuti zvaunofanira kuitira mhuri yako zvava kukutadzisa kuita zvawaimboita muushumiri, saka wava kuora mwoyo. Imwe hanzvadzi ine vana vatatu vaduku yakanyora kuti dzimwe nguva inoona sokuti pane chairi kukanganisa nokuti nguva uye simba raanopedzera pakuriritira mhuri yake zvinoita kuti asare ava nenguva neshoma yokuita ushumiri. Chii chichatibatsira kuti tione zvinhu sezvazviri?
2. Jehovha anotarisira kuti tidini?
2 Zvatinotarisirwa Kuita naJehovha: Zviri pachena kuti tose zvedu tinoda kuita zvakawanda muushumiri. Asi kazhinji pane musiyano uripo pakati pezvatinoda kuita nezvatinonyatsokwanisa kuita. Kuziva kwatinenge tichitoita kuti tinofanira kuita zvakawanda kunoratidza kuti tine hanya nebasa racho. Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anonyatsoziva zvatinogona nezvatisingagoni uye haatarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi. (Pis. 103:13, 14) Zvii zvaanotarisira kwatiri? Anoda kuti timushumire nomwoyo wose, tichiita zvose zvatinogona.—VaK. 3:23.
3. Tingaziva sei zvatiri kuita muushumiri?
3 Chii chichatibatsira kuti tizive kuti ndezvipi zvatinonyatsogona kuita? Tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuona zvatinonyatsogona kuita. (Pis. 26:2) Tingabatsirwawo neshamwari yechiKristu yakasimba pakunamata yatinovimba nayo iyo inonyatsotiziva uye isingazonyari kutiudza kana pane patinofanira kugadziridza. (Zvir. 27:9) Yeukawo kuti zvinhu zvinochinja muupenyu, saka zvinokosha kuti ugare uchiongorora mamiriro ako ezvinhu.—VaEf. 5:10.
4. Tinofanira kuona sei zviyeuchidzo zviri muBhaibheri zvine chokuita noushumiri?
4 Maonero Atinofanira Kuita Zviyeuchidzo: Panenge pane mujaho, unonzwa vanhu vachikuza. Chinangwa chavo hachisi chokuodza mwoyo vamhanyi asi ndechokuti varambe vachimhanya kusvika vapedza. Ndizvowo zvakangoita kurudziro uye zviyeuchidzo zvinopiwa pamisangano yedu uye mumabhuku zvine chokuita ‘nokuparidza shoko nokushingaira.’ Zvinotibatsira kwete kuti tizvione sokuti zvatiri kuita hazvina kunyatsokwana. (2 Tim. 4:2) Tinogona kuva nechokwadi chokuti kana tikaramba tichiita zvose zvatinogona, Jehovha achayeuka ‘basa redu norudo’ zvatakaratidza.—VaH. 6:10.