RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/11 p. 2
  • Unoziva Zvaungasarudza Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoziva Zvaungasarudza Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Unoziva Zvaungasarudza Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kurapa Kwakanakisisa—Ndokupi?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Uri Kuverengera Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Uri Kuverengera Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 1/11 p. 2

Unoziva Zvaungasarudza Here?

Zvipatara zvinovhiya pasina kuwedzera ropa zviri kuwanda pasi pose. Unonyatsoziva uye unonyatsonzwisisa here nzira dziripo dzokurapa pasina kuwedzerwa ropa? Unofanira kudziziva kuitira kuti usarudze uchiziva matambudziko aripo pakurapwa uye pakuvhiyiwa. Ona vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge. Wadaro, nyengetera nezvechisarudzo chako uye zvaunenge wadzidza uchibatsirwa nemibvunzo iri pasi apa.—Ona kuti: Sezvo vhidhiyo yacho iine zvikamu zviduku zvinoratidza kuvhiya, vabereki vanofanira kungwarira pakuiona nevana vavo vaduku.

(1) Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambe kuwedzerwa ropa? (2) Panyaya yokurapwa, Zvapupu zvaJehovha zvinodei? (3) Varwere vane kodzero yei? (4) Nei zviine musoro uye kuri kuchenjera kusarudza kurapwa pachishandiswa dzimwe nzira dzinotsiva yokuwedzera ropa? (5) Kana ropa rakawanda rikabuda, zvinhu zvipi zviviri zvokukurumidzira zvinogona kuitwa navanachiremba? (6) Ndezvipi zvinhu zvina zvinokosha pakurapa pachishandiswa dzimwe nzira dzinotsiva yokuwedzera ropa? (7) Vanachiremba (a) vangaderedza sei kurasika kweropa, (b) vangachengetedza sei masero matsvuku, (c) vangaita sei kuti muviri uwedzere kugadzira ropa, uye (d) vangashandisa sei ropa rinenge rabuda? (8) Tsanangura chinonzi (a) hemodilution uye (b) cell salvage. (9) Chii chaunofanira kuziva nezvenzira yokurapa chero ipi zvayo inotsiva yokuwedzera ropa? (10) Kuvhiya kukuru uye kwakaoma kungaitwa here pasina kuisirwa ropa? (11) Kufambira mberi kupi kunobatsira kuri kuitika mune zvokurapa?

Munhu anozvisarudzira kana achida mamwe marapiro anoratidzwa muvhidhiyo iyi maererano nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Wakasarudza marapirwo aungada kuitwa iwe nevana vako ndokubva wazadza kadhi reDPA here? Kana uchida kuwana panonyatsokurukurwa nyaya idzi, nyatsoongorora “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” mumagazini yeNharireyomurindi yaJune 15, 2004, neyaOctober 15, 2000. Wadaro shandisa wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006 inoti, “Ndinoona Sei Zvikamu Zviduku Zveropa uye Kurapwa Neropa Rangu?,” kuti usarudze marapirwo aungagamuchira kana kuti ausingadi. Pakupedzisira, iva nechokwadi chokuti wanyatsonyora zvakarurama zvaunenge wasarudza pakadhi reDPA. Vanhu vawakasarudza kuti vakumiririre pakurapwa uye vamwe vasiri Zvapupu vomumhuri yako vanofanira kunyatsoudzwa zvaunenge wasarudza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe