RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/10 p. 7
  • Uri Kuverengera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kuverengera Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kuverengera Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Wakagadzirira Here Nokuda Kwokurapwa Kunoda Kukurumidzira?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Unoziva Zvaungasarudza Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Unoziva Zvaungasarudza Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 1/10 p. 7

Uri Kuverengera Here?

Kuverengera pachii? Kuzadza kadhi rinonzi DPA (durable power of attorney) rinopiwa Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Sezvo ‘usingazivi zvichange zvakaita upenyu hwako mangwana,’ zvinokosha kuti ugare wasarudza uye uite zvokunyora marapirwo aunoda kuzoitwa kana zvinhu zvaipa. (Jak. 4:14; Mab. 15:28, 29) Vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights yakabudiswa kuti ikubatsire. Ona vhidhiyo yacho, uye uchibatsirwa nemibvunzo iri pasi apa nyatsofungisisa zvaunenge wadzidza uchiita zvokunyengetera.—Ziva izvi: Vabereki vanofanira kusarudza kuti voona vhidhiyo yacho nevana vaduku here kana kuti vorega, nokuti ine zvikamu zvipfupi zvinoratidza munhu achivhiyiwa.

(1) Nei vamwe vanachiremba nenyanzvi dzezvokurapa vari kuongororazve nyaya yokuwedzera ropa? (2) Taura mienzaniso mitatu yokuvhiya kusiri nyore kwakaitwa pasina kuwedzera ropa. (3) Pasi pose pane vanachiremba uye vavhiyi vangani vakaratidza chido chavo chokurapa varwere vasingavawedzeri ropa? Nei vachida kuita kudaro? (4) Kuongorora kuchangobva kuitwa muzvipatara kwakaratidzei nezvokushandiswa kweropa? (5) Ingozi dzipi dziripo dzinokonzerwa nokuwedzerwa ropa? (6) Nyanzvi dzakawanda dzakati kudini nezvokubatsira kwemamwe marapiro anoitwa pasingashandiswi ropa? (7) Chii chinokonzera kushomeka kwemasero matsvuku? Vanhu vanogona kurarama nedambudziko iri kusvika papi? Munhu ane dambudziko iri angabatsirwa sei? (8) Kugadzirwa kwemasero matsvuku kungawedzerwa sei mumuviri womurwere? (9) Inzira dzipi dziri kushandiswa kuti ropa risanyanya kurasika panenge pachivhiyiwa murwere? (10) Marapiro anoitwa pasingashandiswi ropa angashandiswa here pavana vaduku uye pavanhu vanenge vaita tsaona dzinogona kuuraya? (11) Ndeipi imwe yenzira huru dzinoshandiswa pakurapa kwakanaka? (12) Nei zvichikosha kuti vaKristu vagare vasarudza kurapwa kwavanoda kuitwa pasingashandiswi ropa? Tingazviita sei?

Achishandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri, munhu anozvisarudzira kana achida mamwe marapiro anoratidzwa muvhidhiyo iyi. Wakanyatsosarudza marapiro aungada kuitwa iwe nevana vako ukabva wazadza kadhi reDPA here? Kana uchida mamwe mashoko ane udzamu panyaya idzi, nyatsoverenga chitsauko 7 chebhuku rinonzi “Rudo rwaMwari” nezvimwe zvaunoudzwa imomo kuti uzoverenga. Onawo wedzero inoti “Ndinoona Sei Zvikamu Zviduku Zveropa uye Kurapwa Neropa Rangu?” yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006. Chokupedzisira, iva nechokwadi chokuti wanyora zvido zvako pakadhi rako reDPA. Vanhu vawakanyora kuti ndivo vachakumiririra pakurapwa nevamwe vasiri Zvapupu vomumhuri yako vanofanira kunyatsoudzwa zvaunenge wasarudza.

[Bhokisi riri papeji 7]

• Wakasarudza here marapiro aungada kuitwa iwe nevana vako?

• Uri kugara uine kadhi reDPA rakanyatsozadzwa here kuitira kana zvaipa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe