Imwe Nzira Yokushandisa Bhurocha raBhaibheri Rinombotaura Nezvei?
Vakawanda vari mundima yedu, kunyanya vaya vezvitendero zvisiri zvechiKristu, havana ruzivo rwakawanda nezveBhaibheri. Vamwe vaparidzi pavanodzidza nevanhu vakadaro bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, vanoshandisawo bhurocha raBhaibheri Rinombotaura Nezvei? kuvabatsira kuti vazive zvakaita Bhaibheri. Somuenzaniso, imwe hama inoshandisa chikamu 1 chebhurocha iri painenge ichidzidzisa chitsauko 3 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uye pavanenge vapedza chidzidzo chimwe nechimwe vanokurukura chimwezve chikamu. Uri kudzidza nemumwe munhu asingazivi kana kuti ane ruzivo rwushoma nezveBhaibheri here? Kuti umubatsire kuziva ‘zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kuita kuti ave akachenjera kuti awane ruponeso,’ shandisawo mamwe mashoko ari mubhurocha raBhaibheri Rinombotaura Nezvei? pamunenge muchidzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?—2 Tim. 3:15.