Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna December
“Ndine chokwadi chokuti munobvuma kuti munhu wose anoda shamwari. Munofarira shamwari yakaita sei? [Rega apindure.] Onai kuti nei tichifanira kusarudza shamwari dzedu nokungwarira.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaDecember 1, uye verengai pamwe chete mokurukura mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga uri papeji 16. Verenga runenge rugwaro rumwe chete. Govera magazini acho ari maviri, moronga kuzodzoka kuti muzokurukura mhinduro yemubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi December 1
“Makambozvibvunzawo here kuti nei njodzi dzava kungoramba dzichingoitika mazuva ano? [Rega apindure.] Asi mufunge, Bhaibheri rakagara rataura kuti paizova nenguva idzo njodzi dzakadai dzaizoitika zvakanyanya. [Verenga Mateu 24:7, 8.] Magazini ino inopindura mibvunzo yokuti: Sei njodzi dzinongoitika dzoga dzanyanya kuwanda mazuva ano? NdiMwari ari kutiranga here? Zvikonzero zvipi zvinoita kuti tibvume kuti Mwari achagumisa njodzi dzose munguva pfupi iri kutevera.”
Awake! December
Verenga 2 Timoti 3:16. Wadaro wozoti: “Vamwe vanobvuma kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari, asi vamwe havabvumi. Ko imi munofungei? [Rega apindure.] Kunyange zvazvo vanhu vachitaura zvakasiyana-siyana panyaya iyi, vose vanobvumirana kuti Bhaibheri ndiro bhuku rakakwanisa kuramba riripo pasinei nezvaiedza kuitwa kuti ritsakatiswe. Magazini iyi inorondedzera zvakaedza kuitwa nevamwe kwemazana emakore kuti vatsakatise Bhaibheri uye kuti vanhu vasariverenga. Inotsanangurawo kuti nei izvi zvisina kubudirira.”