RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/11 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga—Nei Dzanyanya Kuwanda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 11/11 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna December

“Ndine chokwadi chokuti munobvuma kuti munhu wose anoda shamwari. Munofarira shamwari yakaita sei? [Rega apindure.] Onai kuti nei tichifanira kusarudza shamwari dzedu nokungwarira.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaDecember 1, uye verengai pamwe chete mokurukura mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga uri papeji 16. Verenga runenge rugwaro rumwe chete. Govera magazini acho ari maviri, moronga kuzodzoka kuti muzokurukura mhinduro yemubvunzo unotevera.

Nharireyomurindi December 1

“Makambozvibvunzawo here kuti nei njodzi dzava kungoramba dzichingoitika mazuva ano? [Rega apindure.] Asi mufunge, Bhaibheri rakagara rataura kuti paizova nenguva idzo njodzi dzakadai dzaizoitika zvakanyanya. [Verenga Mateu 24:7, 8.] Magazini ino inopindura mibvunzo yokuti: Sei njodzi dzinongoitika dzoga dzanyanya kuwanda mazuva ano? NdiMwari ari kutiranga here? Zvikonzero zvipi zvinoita kuti tibvume kuti Mwari achagumisa njodzi dzose munguva pfupi iri kutevera.”

Awake! December

Verenga 2 Timoti 3:16. Wadaro wozoti: “Vamwe vanobvuma kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari, asi vamwe havabvumi. Ko imi munofungei? [Rega apindure.] Kunyange zvazvo vanhu vachitaura zvakasiyana-siyana panyaya iyi, vose vanobvumirana kuti Bhaibheri ndiro bhuku rakakwanisa kuramba riripo pasinei nezvaiedza kuitwa kuti ritsakatiswe. Magazini iyi inorondedzera zvakaedza kuitwa nevamwe kwemazana emakore kuti vatsakatise Bhaibheri uye kuti vanhu vasariverenga. Inotsanangurawo kuti nei izvi zvisina kubudirira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe