Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna December
“Nguva yakaita seino pakupera kwegore vanhu vanenge vachifunga nezvaJesu. Sokufunga kwenyu, munotiwo ndechipi chinhu chikuru chakaitwa naJesu panyika pano? [Rega apindure.] Onai musoro wenyaya iyi iri papeji 16.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaDecember 1, mokurukura mose mubvunzo mumwe chete pane iripo moverenga rugwaro rwunenge rwumwe chete. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuzokurukura mumwe mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi December 1
“Mumwaka uno vanhu vakawanda vanenge vachifunga nezveKrisimasi. Munofunga kuti pane izvi ndechipi chinonyanya kukosha? [Muratidze zviri papeji 3 wonzwa mhinduro yake. Chibva waenda kunyaya inoenderana nezvaataura wobva waverenga rugwaro rwuri kutungamirira nyaya yacho.] Magazini ino inoratidza nzira dzatingayeuka nadzo Jesu nguva dzose kwete panguva yeKrisimasi chete.”
Awake! December
“Tiri kushanyira vanhu nokuti vakawanda vari kusangana nezvinhu zvinovatenderedza musoro. Munombozvionawo here kuti vanhu mazuva ano vanoita sevasina mwoyo murefu. [Rega apindure.] Vamwe vanhu vanofunga kuti izvi zviri kuitika nokuti tiri kurarama panguva dzakaoma sezvakaprofitwa pano pana 2 Timoti 3:1. [Verenga] Magazini ino inoratidza kuti zvakaipirei kusava nomwoyo murefu uye inopa mazano okuti tingava sei nomwoyo murefu.”