Zvatingaita Kuti Tinakidzwe neNziyo dzoUmambo
Vashumiri vaMwari vanoona nziyo sechipo chakanaka chinobva kuna Jehovha. (Jak. 1:17) Muungano dzakawanda vanhu vanonakidzwa nokunzwa Nziyo dzoUmambo dzichirira nechepasi pasi misangano isati yatanga kana kuti yapera. Kuridza nziyo dzoUmambo kunotizorodza patinosvika pamisangano. Kunoita kuti pfungwa dzedu dzigadzirire kunamata. Uyezve kuridza nziyo itsva dziri mubhuku redu renziyo kunotibatsira kuti tijairane nadzo uye tidziimbe nemazvo. Kana nziyo idzi dzikaridzwa misangano yapera, zvinoita kuti vanhu vanakidzwe vachikurudzirana. Saka dare revakuru rinofanira kuronga kuti paridzwe Nziyo dzeUmambo misangano isati yatanga uye yapera. Vanofanira kuva nechokwadi chokuti hadzizoridzwi zvokubva zvatadzisa vanhu kunzwanana pavanenge vachikurukura.