Wakagadzirira Here Nokuda Kwokurapwa Kunoda Kukurumidzira?
Urwere hunoda kurapwa zvokukurumidzira hungangoerekana hwavapo usina kugadzirira. (Jak. 4:14) Naizvozvo, munhu ane njere achagadzirira nepose paanogona napo. (Zvir. 22:3) Wakasarudza marapirwo aungada kuzoitwa, uye wakanyora pasi zvawakasarudza here? Kuti ubatsirwe, pakabudiswa vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights, yechipiri paDVD rinonzi Transfusion-Alternatives—Documentary Series. Sezvaunoiona, ona kana ungagona kupindura mibvunzo inotevera. Vabereki vanofanira kusarudza kuti voona vhidhiyo yacho nevana vaduku here kana kuti vorega, nokuti ine zvikamu zvipfupi zvinoratidza vanhu vachivhiyiwa.
(1) Nei vamwe vanachiremba nemanesi vari kuongororazve nyaya yokuwedzera ropa? (2) Taura mienzaniso mitatu yokuvhiya kusiri nyore kwakaitwa pasina kuwedzera ropa. (3) Nei paine zviuru zvavanachiremba nevavhiyi pasi pose vanoda kurapa varwere vasingavawedzeri ropa? (4) Kuongorora kuchangobva kuitwa muzvipatara kwakaratidzei nezvokushandiswa kweropa? (5) Ingozi dzipi dziripo dzinokonzerwa nokuwedzerwa ropa? (6) Nyanzvi dzakawanda dzakatii nezvokubatsira kwemamwe marapiro anoitwa pasingashandiswi ropa? (7) Chii chinokonzera kushomeka kwemasero matsvuku uye munhu ane dambudziko iri angabatsirwa sei? (8) Kugadzirwa kwemasero matsvuku kungawedzerwa sei mumuviri womurwere? (9) Inzira dzipi dziri kushandiswa kuti ropa risanyanya kurasika panenge pachivhiyiwa murwere? (10) Marapiro anoitwa pasingashandiswi ropa angashandiswa here pavana vaduku uye pavanhu vari mumamiriro ezvinhu anogona kuuraya? (11) Ndechipi chimwe chezvinhu zvinokosha pakurapa kwakanaka?
Sezvo kubvuma mamwe marapirwo ari muvhidhiyo iyi iri nyaya yehana, usamirira kusvikira watarisana nedambudziko kuti uzofunga zvauchabvuma kana kuti zvausingazobvumi. Chitsauko 7 chebhuku rinonzi “Rudo rwaMwari” nezvimwe zvinoratidzwa imomo zvaungaverenga pamwe chete newedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006 zvichakubatsira kuti usarudze uchiziva. Saka kana wakabhabhatidzwa nyora zvaunosarudza pakadhi reDPA, uye famba naro nguva dzose.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Wakasarudza marapirwo aungada kuzoitwa uye wakazvinyora pasi here?