“Rambai Muchiita Izvi”—Chirangaridzo Chichaitwa Musi waApril 5
1. Nei kupinda Chirangaridzo kuchikosha?
1 “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Aya ndiwo mashoko akataurwa naJesu achirayira vateveri vake kuti vayeuke rufu rwake. Tichifunga kubatsirwa kwatinoitwa nerudzikinuro, tinobva taona kuti hapana rimwe zuva rinokosha kuvaKristu kudarika zuva reChirangaridzo. Sezvo musi waApril 5 uchaitwa Chirangaridzo gore rino wava kutosvika, tingaratidza sei kuti tinoonga zvatakaitirwa naJehovha?—VaK. 3:15.
2. Zvii zvatingaita patinenge tichidzidza uye tichifungisisa kuratidza kuti tinokoshesa Chirangaridzo?
2 Gadzirira: Tinowanzogadzirira kana paine zvinhu zvinokosha zvatinoda kuita. Chirangaridzo zvachava kusvika tinogona kugadzirira mwoyo yedu nokudzidza semhuri uye kufungisisa zvakaitika Jesu paakanga ava pedyo nokufa. (Ezra 7:10) Magwaro mashoma anotaura nezvenyaya idzi anowanikwa mukarenda uye mubhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva. Kana uchida magwaro ose uye zvitsauko zvinoenderana nenyaya idzi kubva mubhuku raMunhu Mukurusa, tarisa Nharireyomurindi yaFebruary 1, 2011 mapeji 23-24.
3. Kuwedzera nguva yatinopedza tiri muushumiri kungaratidza sei kuti tinoonga zvatakaitirwa naJehovha?
3 Paridza: Tinogonawo kuratidza kuonga kwedu zvatakaitirwa naJehovha nokushanda nesimba muushumiri. (Ruka 6:45) Mushandirapamwe uchaitwa pasi rose wokukoka vanhu kuChirangaridzo uchatanga musi weMugovera March 17. Unogona here kuronga purogiramu yako kuitira kuti uwane nguva yakawanda yokuita ushumiri, zvimwe nokuva piyona webetsero? Pamuchava nemanheru oKunamata Kwemhuri madii kukurukura nezvenyaya iyi?
4. Kupinda Chirangaridzo kunotibatsirei?
4 Chokwadi tinobatsirwa chaizvo nokupinda Chirangaridzo gore rimwe nerimwe. Mufaro wedu uye kuda kwatinoita Mwari zvichawedzera patinofungisisa rupo runa Jehovha nokutipa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga serudzikinuro. (Joh. 3:16; 1 Joh. 4:9, 10) Izvi zvinoita kuti tirege kuzviraramirazve. (2 VaK. 5:14, 15) Zvinoitawo kuti tide kurumbidza Jehovha tiri pamwe chete nevamwe. (Pis. 102:19-21) Saka, sevashumiri vaJehovha vanoonga tiri kutarisira kuzova paChirangaridzo musi waApril 5, ‘tichizivisa rufu rwaShe.’—1 VaK. 11:26.