Ngatiratidzei Kuonga Kwedu Chirangaridzo Chichaitwa Musi waApril 17
1. Manzwiro api akataurwa nemunyori wepisarema akanyatsokodzera panguva yemwaka wechirangaridzo?
1 Pamusana pokuti aionga mabasa akawanda aJehovha engoni uye okununura, munyori wepisarema akabvunza kuti: “Ndicharipa Jehovha nechii nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo?” (Pis. 116:12) Mazuva ano, vashumiri vaMwari vanotova nechikonzero chakakura chokuonga. Mazana emakore pashure pokunyorwa kwemashoko aya akafuridzirwa, Jehovha akapa vanhu chipo chikuru zvikuru chorudzikinuro. Sezvatinogadzirira kurangarira rufu rwaJesu musi waApril 17, tine chikonzero chakanaka chokuratidza kuti tinoonga.—VaK. 3:15.
2. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tionge rudzikinuro?
2 Zvikomborero Zvinounzwa Nerudzikinuro: Kuburikidza nerudzikinuro, tinokwanisa ‘kukanganwirwa zvivi zvedu.’ (VaK. 1:13, 14) Izvi zvinoita kuti tinamate Jehovha tiine hana yakachena. (VaH. 9:13, 14) Tinovawo nerusununguko rwekutaura naJehovha patinonyengetera. (VaH. 4:14-16) Vaya vanotenda murudzikinuro vane tariro yakanaka zvikuru youpenyu husingaperi!—Joh. 3:16.
3. Tingaratidza sei kuonga kwatinoita Jehovha nokuda kwerudzikinuro?
3 Kuratidza Kwatinoita Kuti Tinoonga: Imwe nzira yokuratidza nayo kuonga kwedu ndeyokuverenga Magwaro akarongwa pakuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo zuva rimwe nerimwe uye kuafungisisa. Nyaya iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2011 ine musoro unoti, “Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?” yakanyorerwa kuti itibatsire kuita kudaro. Tinogonawo kunyengetera kuna Jehovha nemwoyo wose tichimuudza kuti tinokoshesa rudzikinuro zvikuru. (1 VaT. 5:17, 18) Kuvapo kwedu paChirangaridzo tichiteerera murayiro waJesu kunoratidzawo kuti tinoonga. (1 VaK. 11:24, 25) Uyewo, tinogona kutevedzera rudo rwaJehovha rwakakura zvikuru nokukoka vanhu vakawanda sevatingakwanisa kuti vazopinda nesu Chirangaridzo.—Isa. 55:1-3.
4. Ndechipi chinofanira kuva chinangwa chedu?
4 Vashumiri vaJehovha vanoonga havazooni kuchengetwa kweChirangaridzo semumwewo musangano zvawo. Ndiwo musangano unonyanyokosha pagore! Chirangaridzo zvachinoswedera pedyo, dai tikava nechinangwa chakafanana nechaiva nemunyori wepisarema akanyora kuti: “Rumbidza Jehovha, haiwa mweya wangu, urege kukanganwa zvose zvaakaita.”—Pis. 103:2.