RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/12 p. 7
  • Tumari Tuviri Twusinganyanyi Kukosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tumari Tuviri Twusinganyanyi Kukosha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Mararamiro Epanguva Dzainyorwa Bhaibheri—Mari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Jehovha Anoda Vapi Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Muenzaniso Wokutevedzera​—Chirikadzi Murombo
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Chirikadzi Iyi Yadonhedzera Kupfuura Vose
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 4/12 p. 7

Tumari Tuviri Twusinganyanyi Kukosha

Imwe nzira yatinotsigira nayo zvinhu zvine chokuita noUmambo kupa zvipo zvemari kubasa rokuparidza rinoitwa pasi rose. Ko kana tiri varombo?

Rimwe zuva Jesu akaona imwe chirikadzi yaiva murombo ichiisa tumari tuviri twaisanyanya kukosha mumudziyo wokuisira mari waiva patemberi. Kuda kwayaiita Jehovha ndiko kwakaita kuti ipe ‘pakushayiwa kwayo mari yose yayakanga inayo, yaiiraramisa.’ (Mako 12:41-44) Kutaura kwakaita Jesu nezvenyaya iyi kwakaratidza kuti chipo chayo chaikosha pamberi paMwari. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanga vasinawo pfungwa yokuti vaKristu vakapfuma ndivo vanofanira kupa zvipo zvemari kuti vatsigire basa rokuparidza. Muapostora Pauro akataura zvakaitwa nevaKristu vokuMakedhoniya, avo vaiva ‘varombo zvikuru asi vakaramba vachikumbira vachiteterera kwazvo kuti vawane ropafadzo yokupa nomutsa.’—2 VaK. 8:1-4.

Saka kana tichingokwanisa kupa ‘tumari tuviri twusinganyanyi kukosha,’ tinofanira kuyeuka kuti tumari itwotwo twukaunganidzwa inopedzisira yava mari yakawanda. Kana tikapa zvichibva pamwoyo baba vedu vokudenga vane rupo vachafara, nokuti ndi“Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaK. 9:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe