Mazano Pakutsvaka Vanhu Vanotaura Mimwe Mitauro
1. Chikonzero nei ungano dziri munzvimbo dzinotaura mitauro yakawanda dzichipiwa ndima yekushanda zvichienderana nemutauro?
1 Vadzidzi vaJesu pavakagamuchira mudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E., “vakatanga kutaura nedzimwe ndimi” kuvanhu vakanga vabva kunzvimbo dziri kure. (Mab. 2:4) Zvakaita kuti vanhu vanenge 3 000 vabhabhatidzwe. Asi zvinoratidza sokuti vakawanda pavashanyi ava vaigona kutaura mutauro waitaurwa nevakawanda, wechiHebheru kana kuti wechiGiriki. Asi Jehovha akasarudza kuti vaparidzirwe mashoko oUmambo nerurimi rwavo rwaamai. Zviri pachena kuti chimwe chikonzero chakaita kuti adaro ndechokuti vanhu vanowanzoteerera mashoko akanaka kana akaparidzwa mumutauro waamai. Saka, mazuva ano ungano dziri munzvimbo dzinotaurwa mitauro yakawanda dzinopiwa ndima yokushanda zvichienderana nemutauro. (Takarongwa, p. 107, ndima 1-2) Mapoka emumwe mutauro haapiwi ndima asi vanoparidzira vanhu vanotaura mutauro weboka ravo vari mundima yeungano iri kuvatarisira uye ndima yedzimwe ungano dziri pedyo.
2. (a) Ndepapi pazvingakodzera kuti titsvake vanhu vanotaura mutauro weungano yedu? (b) Ungano dzingabatsirana sei pakushanda ndima ine mitauro yakawanda? (c) Tinofanira kuita sei kana tikaona munhu anotaura mumwe mutauro anenge aratidza kufarira?
2 Kana uchigara munzvimbo ine vanhu vanotaura mutauro mumwe chete, zviri nyore kuti uparidze paimba nemba. Asi zvakati siyanei kana uchigara muguta rine vanhu vanotaura mitauro yakawanda. Ungano dzemimwe mitauro dzingava dziri kuparidza munzvimbo iyoyo. Kunyange zvazvo ungano dzacho dzichigona kukupa mashoko ane chokuita nevanhu vavanenge vasangana navo vanotaura mutauro wako, ibasa reungano yenyu kana kuti boka renyu kutsvaka vanhu vakadaro. (Ona bhokisi rakanzi “Batsiranai.”) Saka kuti muwane vanhu vanotaura mutauro weungano yenyu, zvinotoda kuti muvatsvake. Mungatsvaka sei vanhu vakadaro?
3. Ungano kana kuti boka ringaziva sei kuti inzvimbo ipi yavachashanda uye kuti inguvai yavachatora vachiita basa iroro?
3 Kuronga Matsvakiro Acho: Kuti pazivikanwe nguva ichadiwa pakutsvaka vanhu ava pane zvinhu zvinotariswa. Somuenzaniso, vanhu vangani vari munharaunda yacho vanotaura mutauro wacho? Pane vaparidzi vangani? Ungano yenyu kana kuti boka renyu rava kuziva vanhu vangani vemutauro wacho? Ungano haifaniri hayo kupedza nguva yakaenzana pakutsvaka vanhu munzvimbo imwe neimwe iri mundima yayo, asi vanogona kusarudza kupedza nguva yakawanda munzvimbo dzine vanhu vakawanda uye munzvimbo dzisina kunyanya kuita kure. Asi chinonyanya kukosha kuva vanhu vakarongeka pakuita basa iri kuitira kuti vakawanda vawane mukana wokudana zita raJehovha.—VaR. 10:13, 14.
4. (a) Basa rokutsvaka vanhu vemumwe mutauro ringarongwa sei? (b) Ndedzipi dzimwe nzira dzamungashandisa pakutsvaka vanhu vemutauro weungano yenyu?
4 Dare revakuru, kunyanya mutariri webasa, rinofanira kuronga uye kutungamirira basa rokutsvaka vanhu vanotaura mumwe mutauro kuitira kuti ndima yakamboshandwa isashandwa zvekare. (1 VaK. 9:26) Dare revakuru veungano inenge ichitarisira boka remumwe mutauro rinofanira kusarudza hama yakakodzera, kunyanya inenge iri mukuru kana kuti mushumiri anoshumira kuti izotungamirira. Ungano dzakawanda uye mamwe mapoka vasati vaenda mundima kunotsvaka vanhu vemumwe mutauro, vanotanga vashandisa bhuku rinoratidza mazita evanhu nenhamba dzavo dzefoni (directory) kana kuti imwe nzira inoita kuti vawane mazita evanhu vanotaura mutauro wacho. Pashure peizvi vanhu vanogona kutanga kuchifonerwa kana kuti kushanyirwa kuitira kuti paonekwe kuti ndevapi vari mundima yeungano kana kuti yeboka. Kana izvi zvichiita, dare revakuru reungano rinotarisira boka remumwe mutauro rinogona kuronga kuti ungano yose ipote ichiita basa rokutsvaka vanhu vemumwe mutauro.—Ona bhokisi rakanzi “Matsvakiro Aungaita Vanhu Vanotaura Mumwe Mutauro?”
5. (a) Mazano api angashandiswa nevaparidzi pavanenge vachitsvaka vanhu vemumwe mutauro? (b) Zvii zvatinofanira kuudza vanhu patinenge tichiita basa rokutsvaka vanhu vemumwe mutauro?
5 Somunhu oga oga, tinofanira kuyeuka kuti chinangwa chedu ndechei nguva dzose patinenge tichitsvaka vanhu vemumwe mutauro. Sezvo basa iri rakabatana neushumiri hwedu, tinofanira kugara takapfeka zvakanaka sevashumiri. Vakawanda vakaona zvichibatsira kuti pavanenge vachifamba vachienda kunotsvaka vanhu vanotaura mumwe mutauro vabve vatoshandisa mutauro iwoyo vachiedzesera mharidzo dzavachapa. Izvi zvinobatsira kuti varambe vachinakidzwa nebasa ravo uye zvinovandudza mano avo okutaura mutauro wacho. Tinogona kushuma nguva yatinopedza tichitsvaka vanhu vemumwe mutauro asi kwete nguva yatinopedza tichironga ndima uye tichinyora mazita evanhu vatinenge tawana. Kana tikaona munhu anotaura mutauro wacho, tinofanira kuedza chaizvo kumuparidzira mashoko akanaka uye tokurumidza kuudza mutariri webasa kana kuti mumwe munhu waakasarudza kuti pagadziridzwe mashoko ane chokuita nendima. Izvi zvinofanira kuitwa pasinei nekuti munhu aratidza kufarira here kana kuti kwete. Kunyange zvazvo basa rekutsvaka vanhu vemumwe mutauro richikosha, hatifaniri kuzokanganwa dzimwe nzira dzatinoshandisa pakuita ushumiri.—Ona bhokisi rakanzi “Zvatingataura Patinotsvaka Vanhu Vemumwe Mutauro.”
6. Sei kutsvaka matsi kusiri nyore?
6 Kutsvaka Matsi: Kutsvaka matsi hakusi nyore uye kunoda kushanda nesimba uye mwoyo murefu. Hazviiti kuti uzive kuti munhu uyu imatsi nokutarisa zita, chimiro kana kuti mapfekero ake. Chimwe zvekare ndechekuti hama neshamwari dzemunhu ari matsi dzinogona kuvanza kana kuti kuzeza kutaura kuti vane wavanoziva ari matsi. Kunyange zvazvo mazano anotevera achibatsira pakutsvaka matsi, anobatsirawo pakutsvaka vanhu vasiri matsi asi vachitaura mumwe mutauro.
7. (a) Ndezvipi zvingaitwa pakutsvaka matsi munzvimbo dzinogara vanhu? (b) Tingaita sei kuti saimba asatinyumwira?
7 Ungano uye mapoka anoshandisa mutauro wemasaini ari kubudirira kutsvaka matsi munzvimbo dzinogara vanhu. Zvimwe saimba angava akaona muvakidzani, waanoshanda naye, kana kuti waanodzidza naye kuchikoro achishandisa masaini. Mune dzimwe nyika, vakuru veguta vanoisa zvikwangwani mumugwagwa zvinoratidza vane motokari kuti munzvimbo yacho mune vana vari matsi. Saka saimba anogona kunge akamboona chikwangwani chakadaro. Anogona kunge aine hama yake iri matsi. Yeuka kuti vanasaimba vanogona kukunyumwira pamusana pokushanya kwaunenge waita. Asi pane zvaunogona kuita kuitira kuti saimba asatya. Nyatsomuratidza kuti unomufarira, zvaunotaura ngazvibve pamwoyo asi usataura zvinhu zvakawandisa uye unofanira kumuremekedza. Vamwe pavaitsvaka matsi vakaratidza saimba Bhaibheri kana kuti maDVD emutauro wemasaini ndokubva vabvunza kana pane wavanoziva anoshandisa mutauro wacho. Vaibva vaudza saimba kuti vanoda kukurukura nevanhu vakadaro nezvetariro iri muBhaibheri. Kana saimba akazeza kukuudza nezvematsi yaanoziva, unogona kumupa kero yako kana kuti pepa rokukoka munhu kumisangano yeungano kuitira kuti azopa hama yake kana kuti shamwari yake iri matsi.
8. Ungano iri pedyo ingabatsira sei ungano yemutauro wemasaini?
8 Sezvo ndima yeungano yemutauro wemasaini ichiwanzova yakakura, ungano yacho inogona kukumbira kubatsirwa kwezuva rimwe kana kuti maviri pagore neungano yemumwe mutauro iri pedyo pakutsvaka matsi. Ungano yemutauro wemasaini painoita musangano webasa romumunda inofanira kupa mirayiridzo uye kuenzanisira kuti basa rokutsvaka matsi rinoitwa sei. Pakugova boka rimwe nerimwe panofanira kunge paine mumwe chete weungano yemutauro wemasaini uye vopiwa ndima yokushanda.
9. Matsi dzingatsvakwa sei munzvimbo dzavanoungana, dzavanoitira mitambo kana kuti nzvimbo dzavanoshandira?
9 Munogona kutsvakawo munzvimbo dzinozivikanwa kuti dzinoungana matsi uye dzavanoitira mitambo kana kuti nzvimbo dzavanoshandira. Vaparidzi vanofanira kupfeka zvakanaka zvinoenderana nebasa ravari kuita. Mukasvika pane vanhu vakawanda zvingava zvakanaka kuti mukurukure nemunhu mumwe chete kana vaviri panzvimbo pokupa mharidzo kuboka racho rose. Kana mukaona kuti kukurukura kwamuri kuita kune chimuko, munogona kupanana mazita nekero.
10. Vaparidzi vangatsvaka sei matsi munzvimbo dzemabhizimisi?
10 Zvimwe zvamungaita kugadzira ndima inoratidza nzvimbo dzemabhizimisi uye mozoendako panguva yakakodzera. Imwe ndima inogona kusanganisira nzvimbo dzinodirwa mafuta emotokari. Imwe inogona kunge iine nzvimbo dzinowachwa mbatya (dry cleaners), resitorendi, mahotera, kana kuti rimwe bhizimisi. Kana ndima iine mhando imwe chete yebhizimisi, vaparidzi vanogona kushandisa nzira imwe chete yokutsvaka nayo, uye izvi zvinoita kuti vavandudze ruzivo rwavo nounyanzvi. Somuenzaniso, sezvo dzimwe matsi dzichiwanzoenda kumahotera, tinogona kupa tsanangudzo pfupi yebasa redu kune anoshanda panosvikira vaenzi tobva tamupa DVD remasaini uye pepa rokukoka munhu kumisangano yeungano kuitira kuti vazopa matsi dzinenge dzauya. Mune dzimwe nzvimbo dzemabhizimisi tinogona kubvunza kana paine vashandi kana makasitoma avanoziva anoutaura nemasaini. Kana paine chikoro chematsi mundima yedu, munogona kuvapa maDVD edu kuti vaise muraibhurari.
11. Sei basa rokutsvaka vanhu vemumwe mutauro richikosha pakuita ushumiri?
11 Basa Rinokosha: Basa rokutsvaka vanhu vanotaura mumwe mutauro harisi nyore. Uyezve, mune dzimwe nzvimbo vanhu vanotama zvakanyanya uye izvi zvinopa basa rakawanda rokugara pachigadziridzwa mazita evanhu vari mundima. Zvisinei, munzvimbo dzakawanda, kutsvaka vanhu vemumwe mutauro kunokosha pakuita ushumiri. Jehovha uyo akatipa basa rokuparidza haasaruri. (Mab. 10:34) “Anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Saka ngatishandei pamwe naJehovha uye nehama dzedu pakutsvaka vanhu vemitauro yose vane “mwoyo wakarurama uye wakanaka.”—Ruka 8:15.
[Bhokisi riri papeji 5]
Batsiranai
Kana ungano kana kuti boka richida kubatsirwa pakutsvaka vanhu vemutauro wavo, mutariri webasa anogona kukurukura nevakuru veungano dzemumwe mutauro dziri pedyo. Zvingava zvakanaka kungokurukura neungano dzisiri kure zvakanyanya kana kuti dzine vanhu vakati kuti vanotaura mutauro weungano yenyu. Ungano dzinenge dzakurukurwa nadzo dzinobva dzazivisa vaparidzi vadzo kuti kana vachinge vawana munhu anotaura mutauro wacho, vanyore kero yake uye voipa mutariri webasa kuitira kuti atumire kuungano kana boka remutauro wacho. Mundima dzine mitauro yakawanda, vatariri vebasa veungano dziri mundima idzi vanofanira kuronga nzira yakanaka pakushanda ndima yacho vachiita kuti vanhu vanofarira vaende kuungano kana kuti kuboka rakakodzera.
Kana vaparidzi vakaona munhu anotaura mumwe mutauro anenge aratidza kufarira zvechokwadi (kana kuti munhu anenge ari matsi), vanofanira kubva vazadza fomu rakanzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43), voripa munyori weungano yavo. Izvi zvichaita kuti munhu wacho akurumidze kubatsirwa pane zvokunamata.—Ona km 5/11 p. 3.
[Bhokisi riri papeji 6]
Matsvakiro Aungaita Vanhu Vanotaura Mumwe Mutauro
• Bvunza vanhu vakadai sevaunodzidza navo Bhaibheri, vemumhuri, vaunoshanda navo, uye vamwewo.
• Shandisa bhuku rinoratidza mazita evanhu nenhamba dzavo dzefoni kuti uwane mazita emutauro wauri kutsvaka. Kana uchiziva nhamba dzefoni unogona kushandisa bhuku rinonzi reverse directory rinowanikwa paIndaneti kana kuti mune mamwe makambani kuti uone mazita evanhu vacho uye kero dzavo.
• Bvunza panzvimbo dzinoenda veruzhinji dzakadai semaraibhurari, mahofisi ehurumende, uye makoreji asi zviite nokungwarira.
• Tarisa mupepanhau kuti uone kana pane zviziviso zvine chokuita nemitambo kana kuti zvimwe zvinhu zvakarongwa nevanhu vanotaura mumwe mutauro.
• Enda kuzvitoro kana kuti kunzvimbo dzemabhizimisi dzinowanzoendwa nevanhu vanotaura mumwe mutauro.
• Kana mukabvumirwa nevanotarisira nzvimbo yacho, ivai netafura yokuisira mabhuku panzvimbo dzemabhizimisi, payunivhesiti, kana kuti panokwirira vanhu zvokufambisa panowanzosvika vanhu vanotaura mutauro wamuri kuda.
• Kana muchibvumirwa nemitemo yemunyika yenyu, munogona kutenga bhuku rinoratidza mazita evanhu nenhamba dzavo dzefoni kana kuti purogiramu yepakombiyuta zvinoratidza nzvimbo dzepaIndaneti dzinowanzosvikwa nevanhu vazhinji.
[Bhokisi riri papeji 7]
Zvatingataura Patinotsvaka Vanhu Vemumwe Mutauro
Kuva neushamwari, kubva wataura zvawavinga, uye kutaura wakasununguka zvinoita kuti munhu wauri kutaura naye asanyumwa. Zvinowanzobatsira kutanga nokumuratidza mabhuku emutauro wacho.
Wamukwazisa, unogona kuti: “Tiri kutsvaka vanhu vanotaura ․․․․․ kuitira kuti tivaudze tariro iri muBhaibheri. Pane wamunoziva here?
Pakutsvaka matsi, unogona kuti: “Makadini? Pane zvandinodawo kukuratidzai. [Kana uine DVD raunaro unogona kumuratidza zviri muDVD racho.] Uyezve kunze kweBhaibheri, tine mavhidhiyo akati kuti akagadzirirwa kubatsira matsi pane zvokunamata uye haatengeswi. Pane here wamunoziva ari matsi kana kuti anonzwira kure anoshandisa masaini?” Kana saimba akaratidza kuti haachayeuki, munogona kumuudza nezvenzvimbo dzakadai sokuchikoro, kubasa kana kuti munharaunda kwaanogona kunge akamboona matsi.