RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/12 p. 1
  • Chengetedza Hana Yako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengetedza Hana Yako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaramba Sei Uine Hana Yakanaka?
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kuva Nehana Yakanaka Pamberi paMwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Ndingadzidzisa Sei Hana Yangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Hana Yako Yakanyatsorovedzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 8/12 p. 1

Chengetedza Hana Yako

1. Gungano rezuva rimwe chete mugore rebasa ra2013 richange riine musoro wokutii, uye chinangwa charo ndechei?

1 Zuva nezuva, tinosangana nezvinhu zvinogona kuita kuti tikanganise hana yedu. Nechikonzero ichi mugore rebasa ra2013, iro richatanga musi wa1 September, 2012, gungano rezuva rimwe chete richange riine musoro unoti “Chengetedza Hana Yako.” (1 Tim. 1:19) Gungano iri rakagadzirirwa kuti ribatsire mumwe nomumwe wedu kuti afungisise nezvemashandisiro aari kuita chipo ichi chatakapiwa neMusiki wedu.

2. Ndeipi mibvunzo inokosha ichapindurwa pagungano?

2 Tsvaka Pfungwa Idzi: Purogiramu yacho ichapindura mibvunzo minomwe inokosha pamusoro pehana:

• Chii chinogona kuisa hana yedu pangozi?

• Tinogona sei kudzidzisa hana yedu?

• Zvingaita sei kuti tive vakachena paropa revanhu vose?

• Kufunga kwatinoita nezvenheyo dzeBhaibheri uye kuita maererano nadzo kunoratidzei nezvedu?

• Tingadzivisa sei kukuvadza vamwe panyaya dzine chokuita nehana?

• Vechiduku, mungagona sei kutsungirira pamunoedzwa kuita zvinopesana nehana yenyu?

• Zvikomborero zvipi zvinowanikwa nevaya vanoteerera hana yavo inotungamirirwa nemudzimu?

3. Kuti tibatsirwe negungano, tinofanira kuitei?

3 Jehovha anogona kutibatsira kuti tikunde zvinoda kuitwa naSatani pakukanganisa hana yedu. Baba vedu vokudenga vachishandisa Shoko ravo nesangano ravo, vari kutiudza kuti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.” (Isa. 30:21) Gungano iri ndeimwe nzira iri kushandiswa naJehovha pakutitungamirira. Saka ronga kuti upinde gungano racho rose. Nyatsoteerera, uye funga kuti ungashandisa sei mashoko acho muupenyu hwako. Taurai zvinenge zvakurukurwa pagungano semhuri. Kutevedzera mirayiridzo yatinenge tawana kuchatibatsira kuti tirambe tiine “hana yakanaka” uye kuchaita kuti tisatsauswe nemafaro enguva pfupi ari munyika yaSatani.—1 Pet. 3:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe