Purogiramu Yevhiki yaAugust 13
VHIKI INOTANGA NAAUGUST 13
Rwiyo 63 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt chits. 25 ¶1-7, mabhokisi ari pamap. 199-200 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 28-31 (10 min.)
Nha. 1: Ezekieri 28:17-26 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Siyanisa Nhema Nechokwadi Dzinotaurwa Pamusoro paJesu Kristu (5 min.)
Nha. 3: Magwaro Api Anoita Kuti muKristu Asaita Zvematongerwo Enyika?—rs p. 152 ¶4–p. 153¶1 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Siya Pokuzotangira Paunodzokera Kunoona Saimba. Kukurukurirana pachishandiswa mibvunzo inotevera: (1) Zvakanakirei kuti usiye pokuzotangira paunodzoka kuzoona munhu anenge aratidza kufarira, uye tingazviita sei? (2) Tingasarudza sei mubvunzo watichazopindura patinodzoka unoita kuti saimba afunge? (3) Zvakanakirei kuronga nguva chaiyo yamuchazotanga kukurukura, uye kana zvichiita kuva nenhamba dzefoni kana kuti e-mail address zvasaimba? (4) Zvakanakirei kukurumidza kudzokera, zvimwe pashure pemazuva mashomanana? (5) Zvii zvatinganyora tapedza kukurukura pakushanya kwokutanga?
10 min: Bvunzurudzai munhu mumwe kana kuti vaviri vari mubasa renguva yakazara. Zvii zvakaita kuti vade kuita basa iri? Matambudziko api aigona kuita kuti vasiye basa iri renguva yakazara, asi chii chakavabatsira kuti varambe vachiriita? Makomborero api avakawana? Kurudzirai vaparidzi kuti vafunge nezvekuita upiyona hwenguva dzose mugore rebasa rinotevera.
10 min: “Chengetedza Hana Yako.” Mibvunzo nemhinduro. Zivisai kuti gungano rezuva rimwe chete richaitwa riini kana mava kuzviziva.
Rwiyo 65 Nemunyengetero