‘Pupurira Kwazvo’
1. Muenzaniso wakanaka upi wakaratidzwa naPauro muushumiri?
1 “Ita basa rako nemazvo.” (2 Tim. 4:5, Byington) Zvinoratidza kuti muapostora Pauro paakapa Timoti murayiro uyu aitaura akasununguka. Pakuti, kubvira mugore ra47 kusvika muna 56 C.E., Pauro akanga apedza kufamba nzendo nhatu dzoumishinari. Bhuku raMabasa rinotaura rataurazve kuti Pauro ‘aipupurira kwazvo.’ (Mab. 23:11; 28:23) Izvi tingazviitawo sei mazuva ano?
2. Tinogona sei kunyatsopupurira patinenge tichiparidza paimba neimba?
2 Paimba Neimba: Kuti titaure navanasaimba vasina kumbobvira vanzwa mashoko akanaka, tingafanira kushanyira vanhu panguva dzakasiyana-siyana. Baba vemusha vangawanika pamba manheru kana kuti pakupera kwevhiki. Tinofanira kuedza kutaura nemunhu watinenge taona pamusha wega wega, tichidzoka tadzokazve kune vaya vasingawanzowaniki pamba. Zvakadini kana ukashayiwa mumwe munhu pasinei nekuti waedza waedzazve? Kunyora tsamba kana kuti kufona kunogona kubatsira.
3. Mikana ipi yauinayo yokuparidza pachena uye zvisina kurongwa?
3 Kuparidza Pachena Uye Zvisina Kurongwa: Mazuva ano vashumiri vaJehovha vanozivisa “uchenjeri hwechokwadi” kune vose vanoda kuteerera. Dzimwe nguva kuparidza uku vanokuita “mumugwagwa” kana kuti “munzvimbo dzinoungana vanhu.” (Zvir. 1:20, 21) Patinenge tichiita mabasa edu ezuva nezuva, tikawana mukana wokuparidza, tinoushandisa here? Tinganzi ‘takabatikana kwazvo nokuparidza shoko’ here? (Mab. 18:5) Kana mhinduro yedu iri hungu, tinenge tiri kuzadzisa zvatakarayirwa zvokuti ‘tipupurire kwazvo.’—Mab. 10:42; 17:17; 20:20, 21, 24.
4. Munyengetero uye kufungisisa zvinotibatsira sei kuti tinyatsopupurira?
4 Asiwo pane dzimwe nguva tinogona kunge tiri vanhu vanonyara kana kuti vasingagoni kuita zvimwe zvinhu zvokuti tinobva tazeza kupupurira. Chokwadi ndechokuti Jehovha anoziva zvatinogona nezvatisingagoni. (Pis. 103:14) Asi mikana yokupupurira painomuka, tinogona kunyengetera kwaari kuti atipe ushingi hwokutaura. (Mab. 4:29, 31) Uyewo patinenge tichidzidza tiri toga uye tichifungisisa Shoko raMwari, tinogona kudzamisa kukoshesa kwatinoita mashoko akanaka. (VaF. 3:8) Izvi zvichatikurudzira kuti tizivise mashoko acho tichishingaira!
5. Tinogona kuitei pakuzadzisa uprofita hwaJoeri?
5 Uprofita hwaJoeri hwakagara hwataura kuti zuva guru nerinotyisa raJehovha risati rasvika, vanhu vaMwari ‘vaizoramba vachienda’ uye hapana chaizovatadzisa kuparidza. (Joe. 2:2, 7-9) Kudai tose tikaita zvose zvatinogona pabasa iri rokuparidza risingazofi rakadzokororwa!