RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/13 p. 2
  • Zvakanakirei Kuva Nendima Yako Pachako?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakanakirei Kuva Nendima Yako Pachako?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Une Ndima Yako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kuparidza Kwatingaita Mundima Yebhizimisi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 1/13 p. 2

Zvakanakirei Kuva Nendima Yako Pachako?

1. Kana ungano iine ndima yakakura, ungaita sei?

1 Muungano ine ndima yakakura, ungada kuva nendima yako, zvichida iri pedyo nokwaunogara. Bhuku raTakarongwa papeji 103 rinotsanangura kuti: “Kuva nendima iri pedyo newe kuchakubatsira kushandisa zvakanaka nguva yaunotsaurira kuita ushumiri. Uyewo, ungada kukoka mumwe muparidzi kuti ashande newe mundima yako.”

2. Ungashanda sei ndima yako nenzira inoita kuti utsigire ushumiri hunorongwa neungano?

2 Unogona Kuishandisa Kana Usina Kubuda Neboka: Kana ukapiwa ndima iri pedyo nekubasa kwako, unogona kuita ushumiri panguva yokuzorora masikati kana kuti usati wadzokera kumba. Unogona kubatsirwa nemumwe muparidzi anoshanda pedyo newe. Kana ukapiwa inenge iri pedyo nokumba kwenyu, iwe nemhuri yako munogona kuita ushumiri hwemanheru zviri nyore. Asi kana usina kuenda kuboka nevamwe pakunoparidza, zvakakodzera kuti unyengetere kuti Jehovha akutungamirire usati watanga kuparidza. (VaF. 4:6) Uyewo unofanira kutsigirawo ushumiri hunenge hwakarongwa neungano panzvimbo pokuti nguva dzose uende kunoshanda ndima yako. Kunyanya pakupera kwevhiki, apo vakawanda vanoenda kunoparidza, zvakanaka kuti utsigire ungano.

3. Ndezvipi zvazvakanakira kuva nendima yako pachako?

3 Zvazvakanakira: Kana uine ndima yako, zvichakubatsira kuti pose paunowana mukana uwane kwokunoparidzira. Uchapedza nguva yakawanda uchiparidza nokuti unenge usingafambi daro rakareba uchienda kunobudira ungano. Izvi zvinobatsira vamwe kuti vakwanise kuita upiyona hwebetsero kana kuti hwenguva dzose. Sezvo vanasaimba vaunowana vanenge vafarira vachigara munzvimbo imwe chete, zvichakuitira nyore kuti udzoke uye utange kudzidza navo Bhaibheri. Vakawanda vanoona kuti kuparidzira mundima yawakapiwa kunobatsira kuti uzivane nanasaimba uye vanopedzisira vava kukuvimba kunyanya kana ukashanda ndima yacho kanopfuura kamwe chete usati wadzosera ndima yacho kuti ipiwe vamwe. Kuva nendima yako kuchakubatsira iwe nemhuri yako kuti munyatsoita ushumiri zvizere here?—2 Tim. 4:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe