RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/04 p. 8
  • Kuparidza Kwatingaita Mundima Yebhizimisi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Kwatingaita Mundima Yebhizimisi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Mundima Yebhizimisi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Usatya Kuparidza Munzvimbo Dzemabhizimisi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Une Ndima Yako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 7/04 p. 8

Kuparidza Kwatingaita Mundima Yebhizimisi

1. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kupupurira mundima yebhizimisi?

1 Ungada kuparidza mundima ine vanhu vanowanzogamuchira vashanyi uye inowanzowanikwa vanhu here? Ungakwanisa kuita kudaro mundima yeungano yenyu chaimo. Sei? Nokushanyira mabhizimisi anowanikwa imomo. Vaparidzi vanopupurira pachitoro nechitoro kazhinji vanova nemigumisiro yakanaka.

2. Kupupurira mundima yebhizimisi kungarongwa sei?

2 Dzimwe ungano dzine ndima dzebhizimisi sendima yadzakanzi dzishande. Hama inotarisira ndima ingagadzira makadhi chaiwo emepu yendima enzvimbo dzebhizimisi dzine vanhu vakawanda. Makadhi ose endima dzinogarwa nevanhu dzinosanganisira ndima dzebhizimisi anofanira kuratidza zvakajeka kuti ndima yebhizimisi isashandwa. Mune dzimwe ndima, ndima yebhizimisi inogona kushandwa panguva imwe nendima inogara vanhu. Kana usati wambopupurira mundima yebhizimisi, edza nokutanga zvitoro zviduku zvishomanana.

3. Chii chichatibatsira kubudirira pakupupurira pachitoro nechitoro?

3 Kukumbira Zviri Nyore: Pakupupurira pachitoro nechitoro, zvinokosha kuti upfeke sezvawaizoita uchienda kumusangano paImba yoUmambo. Zvakanakawo kusarudza nguva apo vatengi vanenge vari vashoma. Kana zvichibvira, pinda pamunenge musina vatengi vakamirira kutengeserwa. Kumbira kutaura namaneja kana kuti munhu anotarisira. Taura zvishoma asi zvakananga. Ungati kudini?

4-6. Tingati chii pakupupurira mutengesi womuchitoro kana kuti maneja?

4 Ungataura seizvi: “Vanhu vemabhizimisi vakabatikana chaizvo zvokuti hatiwanzovawana pamba, saka tiri kukushanyirai kubasa kwenyu. Magazini edu anopa tarisiro yepasi pose yezvinhu zviri kuitika iye zvino.” Ipapo taura pfungwa imwe chete pfupi iri mune imwe magazini.

5 Kana kuti ungaedza kutaura zviri nyore seizvi: “Vanhu vakawanda vangada kuziva zvakawanda nezveBhaibheri asi vane nguva shomanana. Turakiti iri rinotsanangura purogiramu yokudzidza yepachena yokukubatsirai kuwana mhinduro dzemibvunzo yenyu yeBhaibheri.” Zvadaro muratidze ndima 4-5 dzeturakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?

6 Kana munhu wacho anotarisira achiita seakabatikana, ungangomugovera turakiti woti: “Ndichapfuurazve nepano pamunenge musina kunyanya kubatikana. Ndingada kuziva zvamunofunga nezveturakiti iri.”

7. Tingakudziridza sei kufarira kwatinowana mundima yebhizimisi?

7 Kukudziridza Kufarira Kunenge Kwaratidzwa: Ungatokwanisa kuitisa chidzidzo cheBhaibheri mundima yemabhizimisi. Mumwe piyona chaiye aigara achiendesera mumwe muzvinabhizimisi magazini. Murume uyu paakafarira, piyona wacho akaratidza kuti chidzidzo chacho chinoitwa sei, achishandisa bhurocha raAnodei. Vakatanga kudzidza ipapo chaipo pabasa pomurume wacho. Achifunga mamiriro acho ezvinhu, piyona wacho aingoita maminitsi 10 kana kuti 15 nguva nenguva. Saizvozvowo, ngatirambei tichitsvaka vakakodzera nokupupurira mundima yebhizimisi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe