Unogara Uchitarisa Pabhodhi Remashoko Here?
Vakuru, vashumiri vanoshumira, nevamwe vane mabasa muungano vanogara vachitarisa pabhodhi remashoko kuti vaone kuti ndirini pavachava nezvokuita. Zvisinei, vose vari muungano vanowanawo mashoko anokosha pabhodhi racho. Unoziva here kuti ndirini pamuine jana rokuchenesa Imba yoUmambo? Mutariri wedunhu kana kuti hofisi yebazi yakatumira tsamba inokosha kuungano here? Unoziva musoro wehurukuro yavose yevhiki ino here kuti uzokoka munhu waunodzidza naye Bhaibheri? Pane zvakachinjwa here papurogiramu yemisangano kana kuti muboka renyu rokuparidza? Zvakawanda hazvichaziviswi pamisangano uye vakuru vanogona kutadza kuzivisa muparidzi mumwe nomumwe nezvazvo. Saka tinofanira kugara tichitarisa pabhodhi remashoko. Kana tikagara tichitarisa pabhodhi, zvinhu zvose zvichaitika “nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VaK. 14:40.