RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/13 p. 2
  • Ndiani Angafarira Nyaya Iyi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Angafarira Nyaya Iyi?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Sarudza Nyaya Kuti Unange Fariro Chaidzo Dzavanhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Magazini Anozivisa Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 5/13 p. 2

Ndiani Angafarira Nyaya Iyi?

1. Patinoverenga Nharireyomurindi kana Mukai! tinofanira kufunga nezvei, uye nei tichifanira kudaro?

1 Nharireyomurindi neMukai! dzinonyorwa pachifungwa nezvevanhu vari munyika yose. Saka nyaya dzacho dzinotsanangura misoro yakasiyana siyana. Patinoverenga nyaya imwe neimwe, tinofanira kufunga kuti ndiani achaifarira, tova nechinangwa chokumugovera.

2. Inyaya dzipi dzinotaurwa mumagazini edu dzingafarirwa nevamwe?

2 Nharireyomurindi ichangobuda inokurukura nyaya yawakambotaura nemumwe waunoshanda naye here? Pane nyaya inotaura nezvemhuri ingabatsira hama yako here? Une munhu waunoziva ari kuronga kushanyira nzvimbo yakataurwa nezvayo muMukai! here? Imwe yemagazini acho ingafarirwa nevanhu verimwe bhizimisi kana vamwe vanoshanda muhurumende vari mundima yenyu here? Somuenzaniso, magazini inotaura nezvematambudziko anosangana nevakwegura ingafarirwa nevari munzvimbo dzinochengeterwa vakwegura. Vezvemitemo vangafarira magazini inotaura nezvekuparwa kwemhosva.

3. Taura zvakaitika zvinoratidza kuti zvinokosha sei kuti tigovere magazini kuvanhu vatinofunga kuti vangafarira nyaya dzirimo.

3 Zvakaitika: Mumwe murume nomudzimai wake vari kuSouth Africa vakafonera zvikoro 25 zvomundima yeungano yavo, pashure pokuwana Mukai! yaOctober 2011 yaiti, “Ungadzidzisa Sei Vana Kuti Vazozviraramira?” Zvikoro 22 zvakabvuma magazini acho ndokuapa kuvadzidzi. Mumwewo murume nomudzimai wake vomunyika iyoyo vakaitawo zvakafanana ndokugovera magazini muzvikoro zvomundima yavo. Vadzidzisi vepane chimwe chezvikoro zvacho vakatosarudza kushandisa magazini yacho pazvidzidzo zvavo zvevhiki nevhiki. Murume nomudzimai vacho vakaudza mutariri wedunhu zvakaitika, uyo akazokurudzira ungano dziri mudunhu rake kuti dzishanyire zvikoro zviri mundima dzavo. Hofisi yebazi yakagamuchira zvikumbiro zvakawanda zvemagazini okuwedzera zvokuti magazini yacho yakatozopirindwa zvakare!

4. Nei tichida kugovera magazini edu kuvanhu vakawanda sezvingabvira?

4 Magazini edu anokurukura chinokonzera zviri kuitika munyika uye kuti tingadzidzei kwazviri. Anobatsirawo vanhu kuti vafunge nezveBhaibheri uye Umambo hwaMwari. Ndiwo chete magazini ari “kuzivisa ruponeso” munyika. (Isa. 52:7) Saka, tinoda kuagovera kuvanhu vakawanda sezvingabvira. Nzira yakanaka zvikuru yokuita izvi ndeyokuzvibvunza kuti, ‘Ndiani angafarira nyaya iyi?’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe