Taura Nyaya Imwe Chete, Wogovera Magazini Maviri
Magazini edu emwedzi nemwedzi anobudisa nyaya dzinonakidza dzakasiyana-siyana. Pane kutaura nyaya dzakawanda patinenge tiri pasuo rega rega, zviri nani kukurukura nyaya imwe chete. Kana tichigona kucherechedza uye kana tava kuziva zviri mumagazini acho, tinogona kusarudza imwe nyaya muNharireyomurindi kana kuti muAwake!, ichafadza saimba. Somuenzaniso, kana tikaona matoyi evana pamba pasaimba, tinogona kuvaratidza nyaya inotaura nezvemhuri. Kana pasuo pakabuda murume, tinogona kusarudza imwe nyaya inofarirwa nevarume yakadai seyokuva nehurumende yakanaka. Kunyange zvazvo tingakurukura nyaya imwe chete, zvakanaka kuti tisiire saimba magazini ose ari maviri kana akaratidza kufarira.