Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna August
“Anenge munhu wose ane nguva yaanombonyengetera. Kunyange vaya vasingatendi kuti kuna Mwari vanombonyengeterawo kana vari mudambudziko. Munofunga kuti Mwari anoteerera minyengetero yose here?” Rega apindure. Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi, yaAugust 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga uye verengai runenge rugwaro rumwe chete pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Onai kuti: Mharidzo iyi inofanira kuenzanisirwa pamusangano webasa romumunda womusi waAugust 3.
Nharireyomurindi August 1
“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti titaure nezvenyaya iri kunetsa vakawanda yokupararira kwaita zvinonyadzisira. Asiwo vamwe vakawanda vanofunga kuti zvinonyadzisira ndezvokungovarairwa zvako uchiona. Munofungei? [Rega apindure.] Jesu akati tinogona kuona kuti chimwe chinhu chakanaka nezvachinoburitsa. [Verenga Mateu 7:17.] Magazini ino inotsanangura kuti zvinonyadzisira zvinobereka chibereko chakaita sei. Inotipawo mazano anobatsira okuti tikurire kuona zvinonyadzisira.”
Awake! August
“Vakawanda vedu tinoda kurarama upenyu hurefu sezvatingagona. Munofunga kuti kubudirira mune zvesayenzi kuchaita kuti vanhu vararame nokusingaperi here? [Rega apindure.] Onai vimbiso iyi inofadza. [Verenga 1 VaKorinde 15:26.] Asi Mwari achaita izvi achishandisa sayenzi here kana kuti imwe nzira? Uye nei tichikwegura nokufa iye zvino? Magazini ino inoratidza kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo iyi.”