Ungavakokawo Here?
Muungano dzakawanda mune vaparidzi vasinganyatsokwanisi kuita basa rokuparidza nemhaka yourwere kana kuti kukwegura. (2 VaK. 4:16) Ungakwanisa here kuvakoka kuti vavepowo paunoitisa chidzidzo cheBhaibheri? Kana muparidzi wacho asingakwanisi kubva pamba, unogona kuronga kuti chidzidzo chacho chiitirwe pamba pake. Zvingaita here kuti umboronga kuenda nemuparidzi anonetseka neutano kuushumiri hwepaimba neimba, moshanyira dzimba shomanana, kana kuti kuronga kushanyazve naye kumunhu mumwe chete kana vaviri? Vaparidzi vakawanda vakwegura vane unyanzvi chaizvo mubasa rokuparidza. Saka pauchaita ushumiri navo uchavakurudzira uye iwewo uchabatsirwa. (VaR. 1:12) Uchakomborerwawo naJehovha kana ukaramba uchiedza kuratidza rudo nenzira iyi.—Zvir. 19:17; 1 Joh. 3:17, 18.