RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/13 p. 1
  • Tevedzerai Vaprofita—Hosiya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzerai Vaprofita—Hosiya
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Uprofita hwaHosiya Hunotibatsira Kufamba naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 28—Hosea
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raHosiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Famba naMwari, Ukohwe Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 11/13 p. 1

Tevedzerai Vaprofita—Hosiya

1. Mubvunzo upi waungangodaro wakazvibvunza?

1 ‘Zvii zvandinoda kuzvipira kurega kuti ndishumire Jehovha?’ Pamwe wakambozvibvunza mubvunzo iwoyo pawaifungisisa nezvekunaka kwake uye ngoni dzake. (Pis. 103:2-4; 116:12) Hosiya akaita nemwoyo wose zvaakarayirwa naJehovha, kunyange zvazvo zvaida kuti azvipire. Tingatevedzera sei Hosiya?

2. Tingatevedzera sei muenzaniso wakanaka waHosiya wokutsungirira mubasa rokuparidza?

2 Paridza Mumwaka Unotambudza: Kunamata kwechokwadi kwakanga kwava kutotsakatika muumambo hwemadzinza gumi hwaIsraeri, saka mashoko aHosiya aitaurwa kuumambo ihwohwo. Mambo Jerobhoamu II akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye akapfuudzira kunamata mhuru kwakanga kwatangwa naJerobhoamu I. (2 Madz. 14:23, 24) Madzimambo akazotevera aya akaitawo kuti umambo uhwu hurambe huchiita zvakaipa kusvikira pahwakazoparadzwa muna 740 B.C.E. Asi pasinei nokupararira kwakanga kuchiita kunamata kwenhema, Hosiya akashumira akatendeka somuprofita kwemakore asiri pasi pe59. Takatsungawo here kuparidza gore negore, kunyange vanhu pavanenge vachiratidza kusakendenga kana kuti vachitipikisa?—2 Tim. 4:2.

3. Upenyu hwaHosiya hwakaratidza sei ngoni dzaJehovha?

3 Funga Nezvengoni dzaJehovha: Jehovha akarayira Hosiya kuti aroore “mudzimai woufeve.” (Hos. 1:2) Kunyange zvazvo mudzimai wake Gomeri akamuberekera mwanakomana, akazobereka vamwe vana vaviri uye zvinoita sokuti vaisava vaHosiya. Kuda kwaiita Hosiya kukanganwira mudzimai wake kwairatidza ngoni dzakakura dzaJehovha kuvaIsraeri vaitsauka pavaipfidza. (Hos. 3:1; VaR. 9:22-26) Tinoda kurega zvimwe zvinhu zvatinofarira kuitira kuti tizivise vanhu vemarudzi ose nezvengoni dzaJehovha here?—1 VaK. 9:19-23.

4. Zvii zvatingazvipira kurega kuitira kuti tishumire Jehovha?

4 Vamwe vashumiri vaJehovha vakarega mabasa aibhadhara zvikuru kuitira kuti vashandise nguva yakawanda muushumiri. Vamwe vakarega kuroora kana kuroorwa kana kuti vakarega kuva nevana kuitira kuti vatsigire Umambo. Patinofunga nezveupenyu hwaHosiya, tinogona kuti, ‘Handingambokwanisi kuita zvaakaita.’ Asi, sezvatinowedzera kuonga mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha, tichivimba nesimba romudzimu wake mutsvene, anogona kutishandisa nenzira dzatisina kumbobvira tafunga nezvadzo, kungofanana naHosiya.—Mat. 19:26; VaF. 2:13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe