Bhokisi Remubvunzo
◼ Kana hanzvadzi ikabuda muushumiri nehama, inofanira kufukidza musoro here painoitisa chidzidzo cheBhaibheri vakamira pasuo?
Hanzvadzi inofanira kufukidza musoro painoitisa chidzidzo cheBhaibheri chenguva dzose paine hama. (1 VaK. 11:3-10) Nharireyomurindi yaJuly 15, 2002, papeji 27, inotsanangura kuti: “Iyi ipurogiramu yokudzidzisa yakafanorongwa inotungamirirwa chaizvoizvo neanoitisa chidzidzo chacho. Mumamiriro ezvinhu akadaro, chidzidzo chinenge chakafanana nemisangano inoitwa muungano. Kana Chapupu chechidzimai chakabhabhatidzwa chichiitisa chidzidzo chakadaro paine Chapupu chechirume chakabhabhatidzwa, zvakakodzera kuti chipfeke chifukidziro chomusoro.” Hazvinei nokuti chidzidzo chacho chiri kuitirwa mumba, pasuo, kana kuti pane imwewo nzvimbo.
Asiwo kana munhu watinokurukura naye Bhaibheri takamira pasuo asati ava chidzidzo chenguva dzose, hanzvadzi haifaniri hayo kufukidza musoro kana paine hama, kunyange kana chinangwa chokushanyazve chiri chekuda kuratidza saimba kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei kana kuti chiri chokukurukura zviri mune rimwe remabhuku atinokurudzirwa kushandisa pakudzidza nevanhu. Sezvo zvichiwanzotora nguva uye tichifanira kushanya kakawanda kuti munhu watinokurukura naye takamira pasuo azova chidzidzo cheBhaibheri, vaparidzi vanofanira kufunga nezvemamiriro ezvinhu uye kuratidza kunzwisisa pavanosarudza kuti ndirini pavangatanga kufukidza musoro.