Batsirawo Waunenge Uchiparidza Naye
1. Tingatevedzera sei zvaiitwa nemuapostora Pauro patinenge tichishanda nevamwe muushumiri?
1 Muapostora Pauro aiona nguva yaaipedza aine vaainamata navo semukana ‘wokukurudzirana.’ (VaR. 1:12) Paunoshanda nemumwe muparidzi muushumiri, unoshandisa nguva yacho kumukurudzira uye kumubatsira here? Pane kungofamba makanyarara, wadii kumuudza zvinokubatsira kuti ubudirire pakuparidza?
2. Tingaitei kuti tibatsire watinenge tichishanda naye muushumiri kuva nechivimbo uye nei zvichikosha kuti tidaro?
2 Mubatsire Kuva Nechivimbo: Vamwe vaparidzi havana chivimbo uye izvi zvingaoneka pane zvavanoita chiso chavo kana kuti inzwi ravo. Tinogona kuvabatsira kuva nechivimbo kana tikavarumbidza nemwoyo wose. Zvii zvimwe zvatingaita kuti tivape chivimbo? Mumwe mutariri wedunhu anoudza waanenge achishanda naye nezvekutya kwaanomboita uye kunyengetera kwaanoita kakawanda achikumbira kubatsirwa kuti akurire kutya ikoko. Imwe hama yakataura zvinoibatsira kuti ive nechivimbo ichiti: “Zvinotanga nokunyemwerera. Dzimwe nguva ndinotofanira kunyengetera kuti ndikwanise kuita chinhu chiri nyore zvakadaro.” Pane here chakakubatsira kuti uwedzere kuva nechivimbo muushumiri? Udzawo waunenge uchishanda naye.
3. Tingataurei newatinenge tichiparidza naye zvingamubatsira kuti abudirire muushumiri?
3 Taura Zvingamubatsira: Une mubvunzo kana kuti mashoko okusuma, zvimwe ane chokuita nezvimwe zvakaitika munzvimbo yenyu awakaona kuti anobudirira pakutanga kukurukura nevanhu here? Une zvimwe zvawakawedzera pakushandisa mharidzo yokuenzanisira zvakaita kuti ibudirire here? Udzawo waunenge uchishanda naye. (Zvir. 27:17) Pamunenge muchienda kunoona munhu wawakamboshanyira, unogona kutaura zvauri kuda kuzoita uye maitiro auchazviita. Kana wapedza kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, unogona kutsanangura chaita kuti usarudze imwe pfungwa, rugwaro, kana kuti mamwe madzidzisiro kuti ubatsire mudzidzi.
4. Nei zvichikosha kuti tide kubatsira vatinoshanda navo muushumiri?
4 Vaevhangeri vekare vakanga vasingangobatsiri vanhu vasingatendi chete. Vakaonawo kukosha kwekukurudzirana uye kusimbisana pachavo. (Mab. 11:23; 15:32) Muapostora Pauro akadzidzisa wechiduku Timoti, ndokumukurudzira kuti audzewo vamwe zvaakadzidza. (2 Tim. 2:2) Kana tikayeuka kuita zvakanaka kune vamwe vaKristu patinenge tiri muushumiri, hatingowedzeri mufaro wavo kana kuti kuvabatsira kuti vabudirire muushumiri chete, asiwo tinoita kuti Baba vedu vokudenga vafare.—VaH. 13:15, 16.