Iva Mubatsiri Akanaka Pamunenge Muchiparidza Pasuo
1. Kushanda nemumwe muushumiri kunobatsirei?
1 Rimwe zuva Jesu akatuma vadzidzi 70 kunoparidza, uye “akafanovatuma mberi kwake vari vaviri vaviri.” (Ruka 10:1) Zviri pachena kuti urongwa uhwu hwakaita kuti vadzidzi vake vabatsirane uye vakurudzirane pavaiparidza. Patinoenda nomumwe muparidzi muushumiri, tingabatsirana sei?
2. Kana mumwe wedu achipa mharidzo yake, tinofanira kuratidza sei kuti tiri kuteerera uye nei zvichikosha?
2 Nokuteerera: Nyatsoteerera mumwe wako paanenge achipa mharidzo yake. (Jak. 1:19) Kana pakaverengwa rugwaro, tarisawo muBhaibheri rako. Tarisa ari kutaura, angava mumwe wako kana kuti saimba. Kana ukanyatsoteerera zviri kutaurwa, zvingangoita kuti saimba ateererewo.
3. Ndepapi apo mumwe wedu angada kuti titaure?
3 Nokuziva Nguva Yatingataura: Kana tine mumwe munhu ari kupa mharidzo yake, tinoratidza kuti tinomuremekedza nokumurega achitungamirira. (VaR. 12:10) Hatifaniri kumudimbudzira paanenge achitaura. Kana akakanganwa zvaanga achida kutaura kana kuti saimba akaratidza kuti haasi kubvumirana nezviri kutaurwa kana kuti mumwe wedu akakumbira rubatsiro, tinoedza kumubatsira pane kuti titange kutaura imwe nyaya yakasiyana neyanga ichitaurwa. (Zvir. 16:23; Mup. 3:1, 7) Kana tikataura, mashoko edu anofanira kunge achibatsira pakupupurira kunenge kuchiitwa.—1 VaK. 14:8.
4. Chii chichaita kuti tifare uye tibudirire muushumiri?
4 Vadzidzi 70 vaishanda vari vaviri vaviri pavakapedza kuparidza, “vakadzoka nomufaro.” (Ruka 10:17) Isuwo tichafara uye tichabudirira muushumiri nokuteerera uye nokuziva nguva yokutaura patinenge tichibatsira vatinenge tichiparidza navo pasuo.