KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzokera Kunoona Munhu Akafarira
SEI ZVICHIKOSHA? Vanhu vakawanda vanofarira mashoko eUmambo vari kutsvaga chokwadi nezvaMwari. (Isa 55:6) Saka kuti tirambe tichivadzidzisa, tinofanira kuramba tichidzokera kunovaona. Vanhu vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana, saka zvatinoita kuti varambe vachifarira zvinosiyanawo. Asi kuti tibudirire, zvinotoda kuti tinyatsogadzirira, uye tirambe tiine chinangwa chekutanga chidzidzo cheBhaibheri.
MAITIRWO AZVO:
Kurumidza kudzokera, zvichida pashure pemazuva mashoma.—Mt 13:19
Iva neushamwari uye muremekedze. Usava munhu akasungika
Mukwazise zvine ushamwari. Shandisa zita rake. Muyeuchidze kuti wadzokerei. Zvimwe wadzoka kuzopindura mubvunzo, kuzomupa magazini itsva, kuzomuratidza website yedu, vhidhiyo kana kuti kuzomuratidza kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei. Kana akataura nezveimwe nyaya, kurukura zvinoenderana neizvozvo.—VaF 2:4
Diridza mbeu yechokwadi yakadyarwa mumwoyo make nekumuverengera vhesi kana kuti kumusiyira zvekuverenga. (1VaK 3:6) Edza kuumba ushamwari naye
Siya pekuzotangira