RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 November p. 3
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzokera Kunoona Munhu Akafarira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzokera Kunoona Munhu Akafarira
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kusiya Pokutangira Patinozodzoka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kusiya Pekutangira Kuitira Patinozodzokera
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Kugadzirira Ndiwo Mushonga Wokubudirira Kuwana Vanhu Vokushanyirazve
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Chikamu 11—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 November p. 3

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri​—Kudzokera Kunoona Munhu Akafarira

SEI ZVICHIKOSHA? Vanhu vakawanda vanofarira mashoko eUmambo vari kutsvaga chokwadi nezvaMwari. (Isa 55:6) Saka kuti tirambe tichivadzidzisa, tinofanira kuramba tichidzokera kunovaona. Vanhu vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana, saka zvatinoita kuti varambe vachifarira zvinosiyanawo. Asi kuti tibudirire, zvinotoda kuti tinyatsogadzirira, uye tirambe tiine chinangwa chekutanga chidzidzo cheBhaibheri.

Hanzvadzi iri kugadzirira kunoona munhu akafarira

MAITIRWO AZVO:

Hanzvadzi mbiri dziri kuratidza vhidhiyo kumunhu akafarira
  • Kurumidza kudzokera, zvichida pashure pemazuva mashoma.​—Mt 13:19

  • Iva neushamwari uye muremekedze. Usava munhu akasungika

  • Mukwazise zvine ushamwari. Shandisa zita rake. Muyeuchidze kuti wadzokerei. Zvimwe wadzoka kuzopindura mubvunzo, kuzomupa magazini itsva, kuzomuratidza website yedu, vhidhiyo kana kuti kuzomuratidza kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei. Kana akataura nezveimwe nyaya, kurukura zvinoenderana neizvozvo.​—VaF 2:4

  • Diridza mbeu yechokwadi yakadyarwa mumwoyo make nekumuverengera vhesi kana kuti kumusiyira zvekuverenga. (1VaK 3:6) Edza kuumba ushamwari naye

  • Siya pekuzotangira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe