Shandisa Mikana Yaunowana Kuparidza Mashoko eUmambo!
1. Tinodzidzei kuna Dhavhidhi?
1 Mambo Dhavhidhi haana kurega mamiriro ake ezvinhu achimutadzisa kuita zvaaikwanisa. Somuenzaniso, Dhavhidhi aida kuvakira Jehovha imba. Paakarambidzwa, Dhavhidhi akaita maererano nezvakanga zvavapo uye akabatsira kuunganidza zvaidiwa kuti Soromoni avake temberi. (1 Madz. 8:17-19; 1 Mak. 29:3-9) Pane kuzvinetsa nezvaaisagona kuita, Dhavhidhi akaisa pfungwa dzake pane zvaaigona kuita. Tingatevedzera sei Dhavhidhi sezvatinotsvaka mikana yekuzivisa mashoko eUmambo?
2. Chii chatingaongorora muupenyu hwedu?
2 Ita Zvaunogona: Vakawanda vakaita kuti upenyu hwavo husava netwakawanda-wanda kuti vave mapiyona ebetsero kana kuti enguva dzose. (Mat. 6:22) Unogonawo kuita upiyona here? Paunoongorora mamiriro ako ezvinhu uchiita zvekunyengetera, ungatoona kuti pane “suo guru rebasa” rakazaruka. Kana uine mukana, usautambisa!—1 VaK. 16:8, 9.
3. Mikana ipi yekuparidza yatingashandisa kana mamiriro edu ezvinhu achititadzisa kupayona?
3 Ko kana mamiriro ako ezvinhu achikutadzisa kupayona? Usatambisa mimwe mikana yauinayo. Somuenzaniso, kana basa rako richiita kuti uonane nevanhu vasiri Zvapupu, wadii kuvaparidzira panomuka mukana wakakodzera? Kana uchinetseka neutano, ungagona here kushandisa mikana yaungawana kuti uparidzire vanachiremba? Yeukawo kuti pane urongwa hwekuti vaya vanenge vasisakwanisi kuita zvakawanda muushumiri nekuti vakura kana kuti vane matambudziko akakura eutano vashume nguva yavo muzvikamu zvemaminitsi 15. Pakunyora mushumo wako wemwedzi nemwedzi wemuushumiri, usakanganwe kuisawo nguva yawakaparidza zvisina kurongwa uye chero zvinyorwa zvawakapa vanhu, kusanganisira maturakiti, mapepa ekukoka vanhu kuChirangaridzo uye kugungano. Paunobatanidza nguva iyoyo yemikana yaunenge washandisa, ungatoshamisika nekuwanda kwainoita!
4. Watsidza kuitei?
4 Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, ngatishandisei mukana wose watingawana kuti tiparidze mashoko akanaka. Izvozvo zvichaita kuti tigutsikane nekuziva kuti tiri kuita zvose zvatinogona pakutsigira Umambo.—Mako 14:8; Ruka 21:2-4.