Tsvaka Mikana Yokuparidza
1 Ungano yechiKristu inoumbwa nevanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana zvikuru. Asi takabatana mukutsunga kwedu kurumbidza Jehovha. (Pis. 79:13) Kana utano husina kunaka kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu akaoma zvichiita kuti tiite zvishoma mukuzivisa mashoko akanaka, tingatsvaka sei mimwe mikana yokuparidza?
2 Mumabasa Ezuva Nezuva: Jesu akashandisa mukana wose waaiva nawo nevanhu mazuva ose kuti aparidzire. Akataura naMateu paaipfuura nepahofisi yemitero, naZakeyo paaifamba, uye nomukadzi muSamariya paaizorora. (Mat. 9:9; Ruka 19:1-5; Joh. 4:6-10) Mumabasa edu ezuva nezuva, tinogonawo kuchinja kukurukurirana kwatinenge tichiita kwova kuparidzira. Kugara tiine Bhaibheri pamwe chete nematurakiti kana kuti mabhurocha kuchatikurudzira kuti tive vakagadzirira kutaura nezvetariro yedu.—1 Pet. 3:15.
3 Dambudziko rokutadza kunyatsofamba rinokutadzisa kuitawo basa repaimba neimba here? Ngwaririra mikana yokuparidzira vezvoutano vanenge vashanya nevamwe vaunoonana navo. (Mab. 28:30, 31) Kana mamiriro ezvinhu achiwanzoita kuti ugare uri pamba, wakamboedza here kuparidza norunhare kana kuti netsamba? Imwe hanzvadzi inogara ichinyorera vamwe vomumhuri yayo vasiri Zvapupu. Inonyorawo pfungwa dzinokurudzira dzinobva muBhaibheri uye zvayakasangana nazvo payainge ichiparidza.
4 Kubasa Kana Kuti Kuchikoro: Chido chedu chokurumbidza Jehovha chichaitawo kuti titsvake mikana yokudyara mbeu dzechokwadi kubasa kana kuti kuchikoro. Mumwe muparidzi ane makore masere akaudza kirasi yake zvaakanga averenga muAwake! nezvemwedzi. Aziva kuti ainge awana kupi mashoko acho, mudzidzisi wake akatanga kugamuchira Nharireyomurindi neAwake! nguva dzose. Kwatinoshanda, kana tikaisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? parinooneka nomunhu wose zvingaita kuti pave nemibvunzo inozoita kuti tiparidze.
5 Ungafunga nezvenzira dzokutsvaka mikana yokuparidza mumabasa ako ezuva nezuva here? Nokunyatsoshandisa mamiriro edu ezvinhu, zuva nezuva ngatiedzei ‘kupa Mwari chibayiro chokurumbidza.’—VaH. 13:15.