Zvatingaita Pakuparidza Nezvingoro Nematafura
Nzira yekuparidza nezvingoro nematafura iri kubudirira chaizvo pakuita kuti vaya vane mwoyo yakatendeseka vazive chokwadi. (Joh. 6:44) Saka vakuru vakakurudzirwa kuronga kuti ungano iparidze munzvimbo dzinopfuura nevakawanda mundima yenyu. Sezvo zvingoro zvisingagari panzvimbo imwe chete, kazhinji hazvidi hazvo kuti tikumbire mvumo kune vakuru vakuru vemunzvimbo yacho. Ndivanaani vanokodzera kuita basa iri? Vaparidzi vanokwanisa kuongorora mamiriro ezvinhu akakodzera kuparidza, vanopfeka zvine mutsigo, uye vane unyanzvi hwekukurukura nevanhu. Kuti tibudirire, pane zvatinofanira kuita nezvatisingafaniri kuita.