Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Munhu Anotaura Mumwe Mutauro
Sei Zvichikosha? Jehovha ane basa nemanamatiro evanhu ‘vemarudzi ose.’ (Mab. 10:34, 35) Ndosaka Jesu akaratidza kuti mashoko akanaka aizoparidzwa “munyika yose inogarwa” uye “kumarudzi ose.” (Mat. 24:14) Zekariya akaprofita kuti vanhu “vanobva mumitauro yose yemarudzi” vaizoteerera mashoko iwayo. (Zek. 8:23) Maererano nezvakaratidzwa muapostora Johani, vaya vachapona pakutambudzika kukuru “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” kana kuti mitauro. (Zvak. 7:9, 13, 14) Saka kana tikasangana nemunhu anotaura mumwe mutauro mundima yedu, tinofanira kuedza kumuparidzira.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Nguva inotevera yamuchava nemanheru oKunamata Kwemhuri, enzanisirai mumwe achiparidza uye mumwe achiita seasingazivi mutauro wenyu.