Batsira Mapofu Kudzidza nezvaJehovha
1. Jesu akaratidza sei kuti ainzwira mapofu tsitsi?
1 Jesu akanga asarirwa nemazuva mashoma kuti afe. Achibuda muguta reJeriko mamwe mapofu maviri aipemha akashevedzera achiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni!” Kunyange zvazvo akanga achifunga nezvemiedzo yakaoma yaaizosangana nayo, Jesu akamira, uye akavashevedza ndokuvaporesa. (Mat. 20:29-34) Tinganzwira sei mapofu tsitsi sezvakaitwa naJesu?
2. Tingaita sei kuti tiparidzire munhu anenge ari bofu watinenge tasangana naye pane vanhu vakawanda?
2 Vabatsire: Kana ukasangana nemunhu anenge ari bofu, zvichida muri pane vanhu vakawanda, muudze zita rako uye muudze kuti unoda kumubatsira. Anogona kutanga achikufungira zvisizvo nokuti vanhu vakawanda havawanzovabata zvakanaka. Asi anogona kusununguka kana ukaratidza kuti une ushamwari uye kuti unoda kumubatsira zvepachokwadi. Unofanira kuyeukawo kuti upofu hunosiyana, uye izvi zvinoita kuti tizive kuti tingamubatsira kusvika papi. Wapedza kumubatsira, unogona kumuudza kuti unoita basa rokudzidzisa Bhaibheri. Kumbira kumuverengera rugwaro rwakadai saPisarema 146:8 kana kuti Isaya 35:5, 6. Kana achigona kuverenga Braille, mubvunze kuti anoda here chinyorwa cheBraille chinomubatsira kudzidza zvimwe zviri muBhaibheri. Unogonawo kumubatsira kuti awane zvimwe zvakarekodhwa zvaanogona kuteerera kubva pajw.org. Kana kombiyuta yake iine purogiramu inoita zvekutaura mashoko anenge akanyorwa pascreen, anogona kufarira nyaya dziri pajw.org pamwe chete nemabhuku anogona kudhaunirodhwa ari muRTF (Rich Text Format).—Ona bhokisi rakanzi “Paunenge Uchibatsira Bofu . . .”
3. Tingatsvaka sei mapofu mundima yedu?
3 Tsvakai Mapofu: Kashoma kusangana nemapofu patinenge tichiparidza paimba neimba nekuti vakawanda vavo havafariri kutaura nevanhu vavasingazivi vanenge vauya pamba pavo. Saka kuti tivaparidzire zvinoda kuti tishande nesimba ‘pakuvatsvaka.’ (Mat. 10:11) Kuchikoro kwenyu kana kuti kubasa kune munhu asingaone here? Tanga iwe kutaura naye. Kana ndima yenyu iine chikoro chemapofu, vape mamwe mabhuku edu eBraille kuti vaise muraibhurari yavo. Pane waunoziva anobva mumhuri ine munhu asingaone here? Ndima yenyu ine masangano anobatsira mapofu here kana kuti misha inochengetwa mapofu? Tsanangurira munhu wemumhuri iyi, mushandi wepanosvikira vaenzi kana kuti mukuru wepo kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofarira chaizvo kubatsira mapofu uye ibva wavaudza kuti unoda kuuya nezvinyorwa zveBraille kana kuti zvimwe zvakarekodhwa. Muratidze zvinovimbiswa neBhaibheri zvekuti pasina nguva Mwari achabvisa upofu zvachose. Ungadawo kumuratidza vhidhiyo iri pajw.org inonzi “Without It, I Would Feel Lost,” inotaura nezvemumwe murume asingaoni akabatsirwa neBhaibheri reBraille. Kana ukatsanangura zvawafambira zvinogona kuita kuti uzoziva kana paine mapofu.
4. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naJanet?
4 Janet, imwe hanzvadzi isingaoni, yakashanyira musha unogara mapofu. Akatanga kutaura nemumwe mukadzi wechiduku. Janet akamuudza kuti, “Jesu akaporesa mapofu kuti aratidze zvaachaitira mapofu ose mune ramangwana.” Vakabva vaverenga Zvakazarurwa 21:3, 4, uye Janet akatsanangura kuti Umambo hwaMwari huchaita sei izvi. Mukadzi wacho akaramba akanyarara ndokuzoti: “Handisati ndambonzwa munhu asingaoni achitsanangura vhesi iyi. Vanhu vakawanda vasiri mapofu vanofunga kuti munhu anova bofu nokuti pane zvaakaita kana kuti zvakaitwa nemadzitateguru ake.” Janet akatumira mukadzi uyu e-mail yairatidza panowanika bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei, uye vava kudzidza Bhaibheri kaviri pavhiki.
5. Kunyange zvazvo tisingagoni kuporesa mapofu sezvaiitwa naJesu, tichawanei kana tikaanzwira tsitsi?
5 Ichokwadi kuti hatikwanisi kuporesa mapofu sezvakaitwa naJesu, asi tinogona kubatsira vanhu vakapofumadzwa namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino, kusanganisira mapofu chaiwo, kuti vanzwisise Shoko raMwari. (2 VaK. 4:4) Jesu akaporesa varume vaviri vaiva pedyo neJeriko nekuti ainge “asiririswa” navo. (Mat. 20:34) Kana tikaratidza kuti tinonzwirawo tsitsi mapofu, tinogona kuwana mufaro unobva pakubatsira vamwe vavo kuti vazive nezvaJehovha, uyo achabvisa upofu zvachose.