Itariroi Iripo nokuda Kwamapofu?
JOHN MILTON akaronga mabhuku ake anorondedzera zviito zvemhare yenhau anonzi Paradise Lost uye Paradise Regained kunyange zvazvo akanga ari bofu chose chose. Kuva zvose zviri zviviri bofu nematsi hazvina kumisa Helen Keller mubasa rake naavo vaiva nourema hwomuviri. Hungu, mapofu akawanda anoita zvakanaka. Asi kwaizova kunoshamisa sei kudai munhu ari wose aigona kufarikanya kuona zvakanaka! Ungabvuma zvikuru kana une mudiwa kana kuti shamwari iri bofu kana kuti isingaoni zvakanaka.
Chokwadi, mudzimwe nyika gadziriro dzokuvandudza dzinodzidzisa vanhu vasingaoni zvakanaka unyanzvi hwokurarama kwezuva nezuva. Braille nembwa dzakarovedzwa kutungamirira zvinobetsera mapofu kutarisira zvakawanda zvezvinodikanwa zvawo. Kunyanguvezvo, vanhu vakawanda vanorangarira upofu sourema hunotyiwa zvikurusa. Mumwe munyori akati: “Kuva bofu kurasikirwa nokushandisa rutivi runokosha zvikurusa rwenyika yedu inoona.” Panguva imwe cheteyo, akawanda anofanira kutsamira nenzira inowedzera pavamwe.
Neiko, ungashamisika, upofu hwakapararira kwazvo? Eya, wati wanzwa nezvetrachoma here? Inoparira anenge mamiriyoni mapfumbamwe oupofu. The New Encylopædia Britannica inoti pamusoro payo: “Hosha yacho inotapukira uye inobudirira umo zviverengero zvavanhu zvakatsvikinyidzana pamwe chete mumhoteredzo dzine utsanana hwakashata. Perevedzo yemvura yokugeza, uye zviuru zvenhunzi zvinokwezverwa kutsvina yavanhu, zvinoyamura kupararira kwehosha yacho. Munzira dzakati trachoma zvikurukuru chinetso chenzanga kupfuura kuva chokurapa; kana mipimo yokugara ikagona kuvandudzwa, kutsvikinyidzana kukaderedzwa, nhunzi dzikadziviswa, uye migove yemvura yakakwana ikavimbiswa, kuitika kwetrachoma kunoderera nokukurumidza.” Imwe miriyoni kana kuti kupfuura inotambura neonchocerciasis, kana kuti river blindness. Kana kuti zvakadiniko nexerophthalmia? Kunyange zvazvo zita racho rakaoma, idi nderokuti chisakiso chinozivikanwa navose choupofu. Shuga, diphtheria, gwirikwiti, scarlet fever, uye hosha dzinopfuudzwa muvatano dzingatungamirirawo kuupofu.
Sezvatinokwegura, chiono chedu chingaderera somuuyo wehosha dzakadai sokusaona zvakanaka kwamaziso ose ari maviri neglaucoma, uye hatigoni kusiya tsanga. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Tsanga ichiri pamusoro pandaza yezvisakiso zvoupofu munyika dzakawanda dziri munyika, uye ikoku kune ngwavaira zvikuru mukuti inorapwa nyore nyore kwazvo nokuvhiya.”
Pasinei zvapo nezviwanwa zvitsva mukurapwa kwamaziso, kubviswa kwoupofu kunoratidzika kuva kuri kure. Enisaikoropidhiya imwe cheteyo inoti: “Fambiro mberi mukudziviswa kwoupofu nokurapa nokuvhiya dzinongogona bedzi kuva dzebetsero kuchiverengero chavanhu chinogona kurapwa. Kutozosvikira mipimo yezvokudya neyoutsanana yorutivi rukuru rwechiverengero chavagari venyika yagona kuvandudzwa, upofu hunodzivisika hucharamba huri pamwero wahwo wakakwirira wazvino.”
Nepo mishonga nokuvhiya zvamazvirokwazvo zvine nzvimbo yazvo mukurwisana noupofu, tariro yokurapa kwechigarire ine chokuita nechimwe chinhu chakaitika anodokusvika makore ane zviuru zviviri apfuura.
Kurapa Mapofu Muzuva raJesu
Isa muchiono mumwe murume aiva namakore aiva mukuvamba kwama 30 achifamba mumugwagwa une guruva. Achinzwa kuti ari kupfuura, mapofu maviri aiva mumugwagwa anodanidzira, kuti: “Tinzwirei ngoni!” Kunyange zvazvo vaoni vachiarayira kuramba akanyarara, mapofu anodanidzira zvinonzwika, achiti: “Tinzwirei ngoni!” Murume wacho anobvunza nomutsa, kuti: “Munoda kuti ndikuitireiko?” Nokudisa anopindura, kuti: “Kuti meso edu asvinudzwe.” Zvino fungidzira: Murume wacho anobata meso awo, uye nokukurumidza anoona!—Mateo 20:29-34.
Mufaro wakadini nokuda kwaaya aichimbova mapofu! Bva, upofu hunozivikanwa kwazvo. Ichi chakanga chichingova chinoitika chimwe chete. Neiko chichifanira kufanirwa nengwariro yako? Nemhaka yokuti akanga ari Jesu weNazareta akapa mapofu iwayo kuona nenyasha. Kutaura idi, kunze kwoku‘zodzwa kuti azivise mashoko akanaka kuvarombo,’ Jesu aka‘tumwa kuzodzorera kuona kumapofu.’—Ruka 4:18.
Vanhu vakashamiswa nokurapa kwenenji kwakadaro kwakaitwa kupfurikidza nomudzimu mutsvene une simba waMwari. Tinorava, kuti: “Vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari wavaIsraeri.” (Mateo 15:31) Pasina ndyiko ipi neipi kana kuti kuitwa kweratidziro yomunhu oga kana kuti kutsvaka mbiri yake amene mukuporesa kwakadaro, Jesu akasimbisa rudo nengoni zvaJehovha Mwari. Zvisinei, Jesu aiva netsitsiwo nokuda kwamapofu mumudzimu uye vasina betsero avo vakanga “vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.”—Mateo 9:36.
Kunyange zvazvo nhau yakadaro ingava inofadza, ungashamisika kuti, Zvakadiniko nhasi? Sezvo nhasi kusina munhu anorapa vanhu sezvaiita Jesu, kuporesa ikoko kune revo nokuda kwedu here? Kune tariro ipi neipi nokuda kwamapofu here? Tapota rava nyaya inotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
“Kutozosvikira mipimo yezvokudya neyoutsanana yorutivi rukuru rwechiverengero chavagari venyika yagona kuvandudzwa, upofu hunodzivisika hucharamba huri pamwero wahwo wakakwirira wazvino.”—The New Encyclopædia Britannica