Nyatsoshandisa Zviri Mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
Mudzidzi paanoziva kuti Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo uye oshandisa zvaanenge adzidza, anokura ova nezvibereko pakunamata. (Pis. 1:1-3) Tinogona kubatsira mudzidzi wedu kuti afambire mberi tichishandisa zvikamu zviri mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
Mibvunzo Iri Panotangira Chitsauko: Chitsauko chega chega chinotanga nemibvunzo inopindurwa muchidzidzo chacho. Unogona kubvunza mibvunzo iyi usingatarisiri kuti mudzidzi apindure kuitira kuti ave nechido chekudzidza zvakawanda. Kana kuti unogona kumukumbira kupindura mibvunzo yacho muchidimbu. Kana akataura zvisiri izvo, haufaniri hako kubva wamugadzirisa ipapo. Zvaanenge ataura zvichakubatsira kuziva pfungwa dzinoda kuzosimbiswa.—Zvir. 16:23; 18:13.
Mashoko Ekuwedzera: Kana mudzidzi achinzwisisa uye achibvuma mashoko ari muchitsauko, unogona kungomukurudzira kuti averenge ari ega mashoko ekuwedzera anoenderana nechitsauko chacho. Pachidzidzo chinotevera, unogona kushandisa maminitsi mashomanana kuti uve nechokwadi chekuti ava kunzwisisa mashoko acho. Zvisinei, kana zvichizomubatsira, unogona kushandisa nguva yamunenge muchidzidza kuti mukurukure mashoko ekuwedzera kana kuti chikamu chawo nokuverenga ndima dzacho uye kubvunza mibvunzo yawakafanogadzirira.
Bhokisi Rekudzokorora: Bhokisi rekudzokorora riri panoperera chitsauko chega chega rine mashoko anopindura mibvunzo iri panotangira chitsauko. Unogona kushandisa bhokisi iri kuti uve nechokwadi chekuti mudzidzi anzwisisa pfungwa huru uye kuti ava kugona kudzitsanangura. Verengai zvinonzwika mutsara wega wega nemagwaro aripo. Ibva wakumbira mudzidzi kuti ashandise magwaro acho kuti atsanangure kuti nei mutsara wacho uri wechokwadi.—Mab. 17:2, 3.