Erifazi:
Anofanira kunge aibva kuTemani, munyika yeEdhomu. Pana Jeremiya 49:7 panoratidza kuti vanhu vakachenjera vemuEdhomu vaiwanika kuTemani
Erifazi anofanira kunge aiva mukuru kupfuura dzimwe shamwari mbiri dzenhema dzaJobho, uye ndiye akatanga kutaura. Akataura katatu uye ndiye akataura zvakawanda kupfuura vamwe vaviri vaaiva navo
Nhema dzaakapomera Jobho:
Akashora kuperera kwainge kwakaita Jobho uye akataura kuti Mwari haavimbi nevashumiri vake (Job 4, 5)
Akati Jobho aizvikudza uye aiva munhu akaipa asingatyi Mwari (Job 15)
Akapomera Jobho kuti aiva nemakaro uye aisaita zvakarurama uye akataura kuti munhu haana chaanobatsira kuna Mwari (Job 22)
Bhiridhadhi:
Aiva wedzinza raShua. Anogona kunge aigara pedyo neRwizi rwaYufratesi
Ndiye akataura pechipiri. Akataura katatu, uye zvaakataura zvaiva zvishoma uye zvichirwadza kupfuura zvaErifazi
Nhema dzaakapomera Jobho:
Akapa pfungwa yekuti vanakomana vaJobho vainge vatadzira Mwari ndokusaka vakawirwa nedambudziko uyewo kuti Jobho aisada Mwari (Job 8)
Akapa pfungwa yekuti Jobho aiita zvivi (Job 18)
Akapa pfungwa yekuti kuperera kwemunhu kuna Mwari kwaiva kupedza nguva (Job 25)
Zofari:
Aiva muNaama, uye anofanira kunge aibva nechekuchamhembe kweArabhiya
Ndiye akataura pechitatu, uye zvaakataura zvairwadza kupfuura zvainge zvataurwa nevamwe vake. Akangotaura kaviri chete
Nhema dzaakapomera Jobho: