RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 April p. 3
  • Simbisa Uye Kurudzira Vamwe Nemashoko Ane Mutsa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Simbisa Uye Kurudzira Vamwe Nemashoko Ane Mutsa
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Jobho Akatsungirira—Isu Tinogonawo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 18—Jobho
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Handizosiyi Kuperera Kwangu Kuna Mwari!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Kuperera kwaJobho Kunopiwa Mubayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 April p. 3

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 16-20

Simbisa Uye Kurudzira Vamwe Nemashoko Ane Mutsa

Munhu anenge achipa mazano anofanira kutaura mashoko anosimbisa vamwe

16:4, 5

  • Jobho ainge akaora mwoyo uye achirwadziwa, saka aida kusimbiswa uye kukurudzirwa nevamwe

  • Shamwari nhatu dzaJobho hadzina zvadzakataura kuti dzimunyaradze. Dzakatomupomera mhosva zvikaita kuti awedzere kuzvidya mwoyo

Mashoko anorwadza aBhiridhadhi akaita kuti Jobho ashevedzere achishungurudzika

19:2, 25

  • Jobho akashevedzera kuna Mwari kuti awane zororo, kunyange kutofa chaiko

  • Jobho akaisa pfungwa dzake patariro yerumuko uye akaramba achitsungirira akatendeka

Erifazi achitaura naJobho vakatariswa naBhiridhadhi naZofari

VANHU VAIPOMERA JOBHO

Erifazi

Erifazi:

  • Anofanira kunge aibva kuTemani, munyika yeEdhomu. Pana Jeremiya 49:7 panoratidza kuti vanhu vakachenjera vemuEdhomu vaiwanika kuTemani

  • Erifazi anofanira kunge aiva mukuru kupfuura dzimwe shamwari mbiri dzenhema dzaJobho, uye ndiye akatanga kutaura. Akataura katatu uye ndiye akataura zvakawanda kupfuura vamwe vaviri vaaiva navo

Nhema dzaakapomera Jobho:

  • Akashora kuperera kwainge kwakaita Jobho uye akataura kuti Mwari haavimbi nevashumiri vake (Job 4, 5)

  • Akati Jobho aizvikudza uye aiva munhu akaipa asingatyi Mwari (Job 15)

  • Akapomera Jobho kuti aiva nemakaro uye aisaita zvakarurama uye akataura kuti munhu haana chaanobatsira kuna Mwari (Job 22)

Bhiridhadhi

Bhiridhadhi:

  • Aiva wedzinza raShua. Anogona kunge aigara pedyo neRwizi rwaYufratesi

  • Ndiye akataura pechipiri. Akataura katatu, uye zvaakataura zvaiva zvishoma uye zvichirwadza kupfuura zvaErifazi

Nhema dzaakapomera Jobho:

  • Akapa pfungwa yekuti vanakomana vaJobho vainge vatadzira Mwari ndokusaka vakawirwa nedambudziko uyewo kuti Jobho aisada Mwari (Job 8)

  • Akapa pfungwa yekuti Jobho aiita zvivi (Job 18)

  • Akapa pfungwa yekuti kuperera kwemunhu kuna Mwari kwaiva kupedza nguva (Job 25)

Zofari

Zofari:

  • Aiva muNaama, uye anofanira kunge aibva nechekuchamhembe kweArabhiya

  • Ndiye akataura pechitatu, uye zvaakataura zvairwadza kupfuura zvainge zvataurwa nevamwe vake. Akangotaura kaviri chete

Nhema dzaakapomera Jobho:

  • Akapomera Jobho kuti ainge ataura zvisina musoro uye akamuudza kuti arege zvakaipa zvaaiita (Job 11)

  • Akapa pfungwa yekuti Jobho aiva munhu akaipa ainakidzwa nekuita zvivi (Job 20)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe