PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | PISAREMA 119
“Famba Mumutemo waJehovha”
Kufamba mumutemo waJehovha kunoreva kubvuma kutungamirirwa naye pasina anokumanikidza. Tine vanhu vakawanda vakateerera mutemo waJehovha uye vakavimba naye vanotaurwa muBhaibheri uye mumwe wacho aiva munyori wepisarema 119.
Mufaro wechokwadi unobva pakufamba kwatinoita mumutemo waMwari
Joshua akavimba nekutungamirira kwaJehovha. Kuti afare uye abudirire, aiziva kuti aifanira kuvimba naJehovha nemwoyo wose
Shoko raMwari rinotipa ushingi hwekukunda miedzo yatinosangana nayo
Jeremiya paakasangana nematambudziko, akaratidza kuti ainge akashinga uye kuti aivimba naJehovha. Aisava nezvinhu zvakawanda muupenyu uye akaramba achiita basa raakapiwa
Kuziva chokwadi chiri muShoko raMwari kunoita kuti tisatya kuparidza
Pauro akanga asingatyi kuudza vanhu vose Shoko raMwari. Achivimba naJehovha, akaparidzira neushingi kuna Gavhuna Ferikisi
Ndinoda kuwedzera ushingi kana ndichiparidzira vanaani?
Vekuchikoro
Vekubasa
Vemumhuri
Vamwewo