PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 17-21
Ita Zvinhu Zvinoita Kuti Muve Nerugare
Vanhu vaJehovha vanoshanda nesimba kuti varambe vachiwirirana. Pavanogumburana mumwe anogona kutofunga zvinhu zvisina musoro, asi Shoko raMwari rine simba rekutidzora.
Kana vaKristu vakagumburana, vanoita kuti pave nerugare . . .
nekuramba vakadzikama
nekuva nechokwadi chekuti vanzwisisa nyaya yacho yose vasati vataura zvavanofunga
nekuregererana nemwoyo wose