PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 27-31
Bhaibheri Rinotaura Kuti Mudzimai Anokwanisa Akaita Sei
Zvirevo chitsauko 31 ine mazano akanaka chaizvo akapiwa Mambo Remueri naamai vake. Mazano avo aizomubatsira kuziva zvekutarisa kana ava kutsvaga mudzimai anokwanisa.
Mudzimai anokwanisa anovimbwa naye
Anotaurawo zvaanofunga zvinogona kubatsira pakuita zvisarudzo zvemumhuri asi achizvininipisa
Murume wake anomupa rusununguko rwekuita zvimwe zvisarudzo ega, nekuti anovimba naye
Mudzimai anokwanisa anoshanda nesimba
Anodzidza kuchengetedza mari uye kurarama upenyu husina twakawanda, kuitira kuti mhuri yake itaridzike zvakanaka uye iwane zvekudya
Anoshanda nesimba siku nesikati uye anochengeta pamba pake zvakanaka
Mudzimai anokwanisa akasimba mune zvekunamata
Anotya Mwari uye anosimbisa ushamwari hwake naye