RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp20 nha. 3 p. 7
  • Shoko raMwari Rakachinjwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raMwari Rakachinjwa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • TINOZIVA SEI KUTI MASHOKO ARI MUBHAIBHERI NDIWO AIVA MUZVINYORWA ZVEKUTANGA?
  • Bhaibheri Rakachinjwa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • A3 Bhaibheri Rakasvika Sei Kwatiri?
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Tinoda Chaizvoizvo Apakuvamba Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Chokwadi Ndechipi nezveMipumburu yeGungwa Rakafa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
wp20 nha. 3 p. 7
Chikamu chebhuku raIsaya chiri paDead Sea Scroll, uye nechepazasi chaturikirwa muchiArabic

Chikamu chebhuku raIsaya chiri paDead Sea Scroll, uye nechepazasi chaturikirwa muchiArabic. Shoko raMwari harina kuchinja

Shoko raMwari Rakachinjwa Here?

Vamwe vanhu vanofunga kuti mashoko ari muBhaibheri akachinjwa. Muprofita Isaya akataura kuti: ‘Shoko raMwari rinogara nekusingaperi.’ (Isaya 40:8) Tinoziva sei kuti mashoko ari muBhaibheri haana kuchinjwa?

Mwari ane simba rekuchengetedza Shoko rake uye kuita kuti risakanganiswe. Kare vanyori pavaikopa mashoko ari mumagwaro, vaitoita zvekuverenga mabhii kuti vave nechokwadi chekuti hapana chawedzeredzwa, chasiyiwa kana chachinjwa. Sevanhuwo vanyori ava vane zvimwewo zvinhu zvidiki zvavaikanganisa pakunyora.

TINOZIVA SEI KUTI MASHOKO ARI MUBHAIBHERI NDIWO AIVA MUZVINYORWA ZVEKUTANGA?

Kune zviuru zvezvinyorwa zvekare zveMagwaro Matsvene. Kana chinyorwa chiine padiki pachakasiyana nezvimwe, chinogona kuenzaniswa nezvimwe zvacho kuti paonekwe kuti chokwadi ndechipi. Kuti unzwe zvakawanda ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rakachinjwa Here?” iri pajw.org.

Chimbofunga nezvezvinyorwa zvinonzi maDead Sea Scrolls, zvakawanika nevanhu vechiArab vanonzi maBedouins. Vakazviwana mubako pedyo neGungwa Rakafa muna 1947. Zvinyorwa izvi zvine mashoko anowanikwa muMagwaro Matsvene uye zvava nemakore anopfuura 2 000. Pane vakaongorora mashoko aiva muzvinyorwa izvi vachienzanisa nemaBhaibheri atiinawo nhasi. Zvainge zvakafanana here?

Vaongorori ava vakaona kuti zviri muBhaibheri zvakafanana nezvaiva muzvinyorwa zvekare.a Izvi zvinoratidza kuti mashoko ari muBhaibheri haana kuchinja. Mwari akava nechokwadi chekuti Shoko rake rakachengetedzwa.

Saka iye zvino tinogona kuverenga Shoko raMwari tiine chokwadi chekuti mashoko arimo haana kuchinja. Munyaya inotevera tichada kudzidza nezvaMwari kubva kuvaprofita vake.

a The Complete Dead Sea Scrolls in English, yakaturikirwa naGeza Vermes, peji 16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe