Chikamu chebhuku raIsaya chiri paDead Sea Scroll, uye nechepazasi chaturikirwa muchiArabic. Shoko raMwari harina kuchinja
Shoko raMwari Rakachinjwa Here?
Vamwe vanhu vanofunga kuti mashoko ari muBhaibheri akachinjwa. Muprofita Isaya akataura kuti: ‘Shoko raMwari rinogara nekusingaperi.’ (Isaya 40:8) Tinoziva sei kuti mashoko ari muBhaibheri haana kuchinjwa?
Mwari ane simba rekuchengetedza Shoko rake uye kuita kuti risakanganiswe. Kare vanyori pavaikopa mashoko ari mumagwaro, vaitoita zvekuverenga mabhii kuti vave nechokwadi chekuti hapana chawedzeredzwa, chasiyiwa kana chachinjwa. Sevanhuwo vanyori ava vane zvimwewo zvinhu zvidiki zvavaikanganisa pakunyora.
TINOZIVA SEI KUTI MASHOKO ARI MUBHAIBHERI NDIWO AIVA MUZVINYORWA ZVEKUTANGA?
Kune zviuru zvezvinyorwa zvekare zveMagwaro Matsvene. Kana chinyorwa chiine padiki pachakasiyana nezvimwe, chinogona kuenzaniswa nezvimwe zvacho kuti paonekwe kuti chokwadi ndechipi. Kuti unzwe zvakawanda ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rakachinjwa Here?” iri pajw.org.
Chimbofunga nezvezvinyorwa zvinonzi maDead Sea Scrolls, zvakawanika nevanhu vechiArab vanonzi maBedouins. Vakazviwana mubako pedyo neGungwa Rakafa muna 1947. Zvinyorwa izvi zvine mashoko anowanikwa muMagwaro Matsvene uye zvava nemakore anopfuura 2 000. Pane vakaongorora mashoko aiva muzvinyorwa izvi vachienzanisa nemaBhaibheri atiinawo nhasi. Zvainge zvakafanana here?
Vaongorori ava vakaona kuti zviri muBhaibheri zvakafanana nezvaiva muzvinyorwa zvekare.a Izvi zvinoratidza kuti mashoko ari muBhaibheri haana kuchinja. Mwari akava nechokwadi chekuti Shoko rake rakachengetedzwa.
Saka iye zvino tinogona kuverenga Shoko raMwari tiine chokwadi chekuti mashoko arimo haana kuchinja. Munyaya inotevera tichada kudzidza nezvaMwari kubva kuvaprofita vake.
a The Complete Dead Sea Scrolls in English, yakaturikirwa naGeza Vermes, peji 16.